Chinyakare muchidimbu

Muka iwe watotesa pekurara,
Geza kumeso ubvise mabori,
Marirangwe mhou dzobova,
Unowana dzamira nemhuru.

Usunge madhonza ose ari mana,
Pasi raoma yanaya kave kare,
Dzimwe dzose usairire kumakura,
Tozotevera rufuramhembwe.

Rwawe rudziyakamwe rakwira,
Chidzisunungura zvino dzaneta,
Nekupisa kworoita putugadzike,
Nemutandabota machikichori.

Imbwa nematemo zvarongeka,
Nemunyu muchanza kunovhima,
Topfuura nekumariva murutsva,
Havi yenyama hakuna mazuva’no.

Kuona mhandara kubvuma rwendo,
Nguva zhinji rwavo rwuri mberi,
Kutsime, kuhowa nekunoteza huni,
Kwavanosangana naavo majaya.

Zviredzo zvagara zviri kurwizi,
Munyurwi imo munyasi memvura,
Madere nemakwaya hazvina nguva,
Asi huru dzinodyira kwodoka.

Kana yoruma kwira mumushuma,
Ugare divi rimwe iro rine mhangara,
Perera kutsamvu muonde une mago,
Mazhanje hudyidzana nadzo harurwa.

Tadya chakata zvinogadza moyo,
Zvino tonotiva chamunyurududu,
Rakadzikama iro dziva rine ngwena,
Kugarisana nekuremekedzana.

Tozorora manhede pasi pemubvee,
Tichiyeva mikonikoni nemagayaguru,
Kanyururahove kachitamba yako nepadivi,
Kusekedzana tichitandadzana.

Zuva ronanaira kuna amai varo,
Handeyi tinokokorodza mombe,
Rave gumbi kugokoro kwadzinonwira,
Kwadoka matatya zvootangoimba.

Zvipfuyo mudanga tavharira,
Vasikana dzavo huku muchirugu,
Tonanga kudare kunogocha mbeva,
Vakuru pavanorondedzera ngano.

Jenaguru mburetete totamba chisveru,
Nemuchongoyo, tobambangura ngoma,
Kwatosara nguva diki yekuzorora,
Sekuti mangwana ndipo zviri.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*