Rudo runotemesa musoro

Ndinokuda zvangu ufunge!
Zvinotonetsa kutsanangura,
Manzwira ewangu mwoyo,
Kutaura ndoita kuzevezera,
Zvoita idonhe misodzinyina.

Dairawozve ndichikushevedza!
Kusuka wopedzisa mbaimbai,
Ndibate, ita zvekundimbundira,
Undipomhodze ndonzwa kutsva,
Chishuwo chandisveta simba!

Chigara pasi ndirondedzere,
Paunoti nzve-e hana inorova,
Kusimudza mhepo dzemuviri,
Zvoita ndipindwe nechando,
Ona kuonda, angove mapfupa!

Kuumbwa wakaumbwa wena!
Ndashaya kana chinoshoreka,
Nyemwerero inonyungudutsa,
Asika chii chiri mubvudzi rako?
Chandisunga pfungwa, ngetani.

Kana zviome sei, uri musimboti!
Ndagumburiswa kumanginde,
Iwe unoziva pekutsvanzvadzira,
Sehandira ndoshushira paruzhinji,
Vemari vasati vandibatisa pasi!

Uri ndarama wangu, chiwanikwa!
Vazhinji vanomhanyira zvinonaka,
Poita vaya vemidziyo inodhura,
Iwe uneni, ndokuisa mumambure,
Ndinokuda zvekuti dhu-u!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *