Chirwere chepa raini

Chepamusoro chero gosoro,
Zvinorapika kana nemakwenzi,
Chanhasi imhezi yemumoyo,
Mazvokuda mavanga enyora.

Tinoswera paraini sikati rose,
Kuzvinanika segubeze reweti,
Nguva yekurarama nehama,
Chaidzo mhenyu hapachina.

Runhare rwave nhengo yemuviri,
Hanzi ndine shamwari jahwi,
Mazana mashanu nepfumbamwe,
Dzinondida zvikuru nechekure.

Kumwa hwahwa kana kuputa,
Hurumende yakati zvine zera,
Ichi chirwere chichangoburwa,
Chisina nani anoziva marapiro.

Zvino chabata zera rose,
Vana, vakuru nevakwegura,
Nguva dzese kutarira muruoko,
Zvatichatsikwa nehambautare.

Majaya otora tusiri twavo,
Mhandara dzoshanda manhede,
Kuti vatenge nguva yeparaini,
Pavanozvishambadza madiro.

Zvino kangoma kana koririsa,
Kawe pedyo nokuda kuparuka,
Pfavirai ngoma vana vevhu,
Tichapera sehondo yeminda.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*