Ndobhuye gwinyiso nyamusi,
Kanyi handichaguriko,
Madhodha akona mikonyo,
Haarembi kureketa,
Uyu onini wepamutunhu,
Iye Mutsapato wepamhiri,
Ndumure dzake indururani,
Misakainzwa chakata, kukwesa!
Kwaakondimake fongo,
Echondikaba mupunhuro,
Piriwiri, ndichobude ngazi!
Kubeni ndaimuremekedza,
Hazvina ndaa hazvo!
Chakandya chakaoneka,
Mutanda wakasiye mbare,
Zvemamhuza handidi hangu,
Handichatambi navo peya!