Chitsoka nditakure

Ini tomu, kata, tende mumuchovha,
Fambefambe, hwindi otanga kunyora,
Tisati tati nepi, oshewedzera takwe,
Pada anyumwa kuti handina nekobiri,
Zvisina chinono, tsvi-i, chiriporipotyo!
Ndopotserwa, kuperekedzwa neshangu!

Hapana yekutamba kutorova tsoka,
Nenzira yepagomo izere zvibayamahure,
Rwedo rurefu, kutosunga dzisimbe,
Pandichati tunhu, pote, tasa nemujinga,
Ndowaraidzwa zvangu nezvandinoona,
Kufadza meso kuti rwedo rwureruke.

Tusikana tunotamba pada paruware,
Paseri pegwenzi majaya anozvuva chabuta,
Apa pane harahwa dzinotamba tsoro,
Apo pabatwa mbavha yavanorova madiro,
Vamwe wakabata mutyo vebhurugwa,
Zvino yokweyiwa kuenda kumapurisa.

Ndatungamidzana nevaviri vanonyengana,
Handikushata nekunyepa kwerume ikoko!
Hanzi ndinogara iko kumadheredhere,
Rudo ibofu, mhandara yogutsurira musoro!
Haaoniwo here kuti shangu yatsveyama?
YekwaMazai, kusingasviki kana michovha.

Pfacha pamusika, zvino dhumadhuma,
Kusanganidza maziso naiye uye hwindi,
Ondinemera hutsotsi nenzwi riri pamusoro,
Ini tana kuramba isati yakora muto,
Aiwa mushure mepfumvu yekufamba netsoka,
Ndinotambira ndiro yesadza, kwete mhosva!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*