Ndabva zera

Kwava kusakara kwedovo,
Sekunge risakadyiwa nyama,
Wangu hupenyu ndazadzikidza,
Vana vatatu vazukuru jahwi,
Vati pararira nenyika dzose,
Tangotarisana pano nama’tombi,
Richibuda dakara parinopota.

Ndinobvuma idi ndachembera,
Asi hazvirevi ndachinja moyo,
Ndaitemwawo dzinobuda ropa,
Muhana ndichiri’ye wemazuva’se,
Rudo, rufaro neruremekedzo,
Pasi pemoyo zvichakaringana,
Zvamunoona makushe chete aya.

Kukwegura bedzi kwandaita,
Nyota ndinayo, ndidaneiwo kundari,
Pachine nguva ndibate jongwe muromo,
Makumbo zvooramba kufambakasika,
Rochekanyika ndadhakwa nairo rezviyo,
Usanonoke ma’mwana kusunga ngoro,
Ndabva zera huyai munditore.

Zvino tatarira madeukazuva,
Basa tapedza wave mudyandigere,
Vana mushure bvudzi rotochena,
Votonzivo madhara nevavo vana,
Ivo vazukuru vatopedza chikoro,
Vari kutevera kukura zera nezera,
Nekuti ndiro gwara redu tose.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*