Posted on: April 15, 2018 Posted by: admin Comments: 0

Usatsamwa sengwena,
Amai havarohwe,
Muromo vakakutuka,
Uswatanuke pfungwa,
Ukwanise pari nhasi,
Kudya zveziya rako.

Navakoma makarwa kwazvo,
Asi aityiwa nedunhu rose,
Raiziva kuti haudenhwi,
Mufana veuyu wemusindo,
Benzi riye rikasamhanya,
Chizvinozvino richaimba.

Sahwira Chamunorwa,
Aikuturira matohwe,
Nekushambira mose,
Nhasi otevera ndari,
Asika wakakura naye,
Rega kufuratira.

Iye zidhuzha Maidei,
Maive tsika nditsikewo,
Ava pamurume wetatu,
Nevana vapfumbamwe,
Asi hazvishanduri chikare,
Aimbowe mhodzi yemoyo wako.

Leave a Comment