Posted on: June 16, 2019 Posted by: admin Comments: 0

Nhingi ndiye akadai,
Ekera yake yakafundumara,
Uyu akandikonyon’ora,
Kudhumana ndosunga bhutsu,
Uya agara akandiwenga,
Handitauri naye bodo,
Kumuona ropa rinogwamba,
Wangu ane ruchengera,
Kuda kuziva kesekese,
Wasu wako makuhwa kani,
NdiMuzawazi kunditaura,
Onini ane godo rinorema,
Nhingirikiri yake yakashata,
Sauyeyo kunhuhwa heyi,
Iye ndiye akazondidai,
Iwe zvino ukazodini?
Ko-o, ibvaka kumhepo?
Mai nhiya ndivo vadii?
Gadzirisa chatambisa nhova,
Mangwana usashora vamwe,
Vanozviitira zvinhu zvavo,
Pedze woponera dhiabhurosi,
Unomushupirei nhai?

Leave a Comment