Sadza

Maiwe-e! Itsima yahombarume here,
Wasverorimbinyuka muzuva nebasa,
Kubva tinoritema isu vanamadyirapanze,
Nemusuwa weganyabvu rinopera chimbi,
Ndisunungure chuma chiunu chiregedzeke,
Undipe komichi yemvura yakati tundu,
Woudza vavakidzani kuti takatama.

Kuribata basa hunge watsindira rinopisa,
Hakamukaka hofori dzerume idzo kusimba,
Ishe nemachindarume hunge vane mimba,
Kumonya tsima dzine bvute zuva nezuva,
Zvidhuzha kupinda mumba nedivi segakanje,
Zvinotangira pamoto hanzi kuravira hadyana,
Chinokoro kuti tundu nemusuwa muruoko.

Zvinongoda chibage, njera kana zviyo,
Dudu muduri hwoita hwakatsetseka hupfu,
Yavira tsambakodzi wototanga kubika,
Woita zvekukurungira risaita mapundu,
Urege rinyatsokwata ringaita mbodza,
Kungoti monyei bura uzvibaye wega,
Rikazoti nganganga rodzipa pahuro.

Kana makobiri anetsa kubva wotemura,
Asi rinongodaka kuperekedzwa neusawi,
Mashizha ane dovi anongoitavo zvavo,
Chembere dzagunhana kana mutikiti,
Rinotsvedzerera pahuro derere chiororo,
Murwi kunzi dzii pasina nguva waerera,
Inhapitapi, mutakunanzva, gotsi papata.

Kubva nekanyama unoseva ukazvimbirwa,
Usakurumidza kumedza kutsenga uchada,
Yemombe, yembudzi inongonaka parurimi,
Asi sadza nenyama yehuku machikichori,
Mutupo paruzhinji mudzimba umo inyama,
Zvino vamwe tichapera meno mukore uno,
Tingaswerera kubvisa moyo wematemba.

Ndati shamba maoko uzvinokorere,
Manje zvowokumba chaenga chose woga,
Kudya zvekumhanya asi unoera Chihwa,
Une muromo chipfukuto chinopedza dura,
Wakakurira kupi unotimba neruboshwe,
Gogogoi nguva yesadza mangwanamangwana,
Waguta zvekupisa dura, chibva pano!

3 Replies to “Sadza”

  1. This poem was good l enjoyed it here are the this l need to be printed the following list there
    l need you to make the poem about sun, plants, environment, nature and ocean

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*