Muchaburana

Ndini ndadaro,
Kuzvireva hongu ndini,
Kuti zvirege kudaro,
Zvikaramba zvakadaro,
Pachaita kuburana!

Muchateya mariva,
Mushandirapamwe,
Asi pakunovhura apa,
Nekutarira misungo,
Ave mazvakemazvake!

Saka ndati nditaure,
Ndini mbune ndadaro,
Zvifambe zvakadai,
Mhepo ikazowandisa,
Inodzoka yoita mamhepo!

Pakuhwandira ndarama,
Munenge muri pachipangano,
Ipo pakuzogovana,
Ndipo pane bongozozo,
Motsvukidzana maziso!

Munyai chete uyo,
Muridzi wesoko ndini,
Neyi zvakaita kudaro?
Ndinoda kuti zvidai,
Ehe, ndini ndadaro!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *