Hakusi kudada

Hupenyu hunoda kuzorora, haudi kuramba wakarara,
Nemagwiriri kuvhundutsira mhembwe kunyimo urere,
Womuka uchikwenya pane vakarabwa sevaendwa neuriri,
Pedze pindu, woti wakaroyiwa nevakaenda kumaroro,
Yasaidzirwa kumafuro haifuriri iwete bhururu!

Muka uende, rega kuti pamunhondo pamusasa,
Kwete kuronda nhimbe, siyana nezvemasese,
Geza ano mashambanzou utevere kwakaenda sisi,
Kupinda mumusakasaka, kurwa wakadedemara sesoso,
Kana wodya zvinonaka’bva ropembera rako susu.

Kutaura kuno takatambarara tichidya rwatata,
Takagara zvedu mumumvuri wemusharu kwatete,
Tichiyeva dzinotungana, huruwa kuti pwititi!
Hatiradzi, munda tadetsvudza neehuku matoto,
Zvinoda kuronga, togata tateya hatisi madututu.

Imi muchangosvika muchiona moti tinodada,
Kupfachura tichisiya, hatidyiri kupedza zvinoita dede,
Zvino zvekunetswa nemubvunzonhando handidi,
Pataifondoka, mugudza maive makati fododo,
KwaHunyani, inguva yedu yekuita chamunyurududu!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*