Hwindi

Madirei echikoro kudzokorora,
Chikamu chimwe chete katatu,
Zvino zvaave kutonge baba,
Vari kutamba nevana,
Tarira, injodzi munhandare.

Zvechikoro zvaramba izvi,
Regai zvangu nditsvage basa,
Muzvinamuchovha anoda rubatsiro,
Ropa rangu ronzwa kufamba,
Ndini hwindi.

Vadzidzisi munozvifambisa sei,
Svomho dzakandiramba chose,
Asi chengi ndinoiziva pabasa,
Ndisati ndaipitambira mari,
Chingai maitiro vafundisi.

Ndine ruzha hadzisi mbanje,
Mhanyamhanya ugare wakafara,
Njere handina asi simba ndinaro,
Pabasa ini ndomera manhenga,
Kufadza mutyairi ari panyanga.

Nhasi muzvinapembe wavira pasi,
Mhaka yacho ini hwindi ndinoziva,
Ini uyo kunotenga wangu muchovha,
Tatu, shanu, inga zvayatove gumi,
Bvunzai ini ndikudzidzisei basa.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*