Hwema handirase (michero yemusango)

Mutohwe wemunzira yekutsime,
Ndiwo waive wadawatanha!
Hausaikwanisa kuchengeta Dohwe ratsemuka,
Rakasinina kudai ndere mudondo!

Vamwe vakati Mashuku,
Vamwe Mahobohobo,
VaManyika tinoti Mazhanje,
Anonaka kwete zvekutambaba hwii!

Dhorofiya, Dhoro, Dorosiya, Makazo!
Kana warida ibasa kuridya ipapo,
Rinotsvukira seMango kana raibva,
Pachawo Mudhoro unorapa zvironda!

Tsombori, dzimwe nzvimbo Tsambatsi,
Kwedu dzaingomera munharaunda,
Muchero wevapfana wembudzi,
Vasingaendi kure pakati pesango!

Muuyu hauiti mashizha kwenguva refu,
Pamwe maenza kwechinguvana,
Maruva otapudzwa nezviremwaremwa,
Mugugu nemutandabota machikichori!

Damba rakada kufanana neHwakwa,
Zvese zvine dende rakaoma semba yakamba,
Varipwanya harinyaotsotarisika sechikafu,
Bva rinonaka warohwa nenzara kujana!

Tsubvu, Hubva dzaikonzera bongozozo,
Wanzi nevamwe wakasviba seTsubvu!
Hutema hwacho huchiita zvekutoikira,
Apa ndipo wakazora mafuta ekubikisa!

Nhengeni dzine kakuzhazhirira,
Mwaka vadzo vasvika taingodzirova!
Kwaive kunetsana navo makudo,
Akakutangira aidyira kupedza.

Maroro aiwanikwa munyasi memvura,
Kazhinji kwedu aitonetsa kusvikira,
Aendawo zvake kwaaenda kunoromba,
Ainzi pachiVanhu aenda kumaroro.

Rinodyiva nemunyu, tinoriti Gachika,
Kwedu raikura rega kunze kwedanga,
Hameno mombe kwadzaiona mbeu,
Vemudhorobha vanongoriti Gaka!

Hute dzaiwe neruvara rwakatsvukirira,
Dzainaka manje dzizere nehunyoro!
Dzichisiya rurimi rwatsvukuruka seropa!
Wotsenga mashizha mukanwa monhuhwira!

Tsvoritsvoto dzaikukwezva dzoga,
Vaidziona uchiri kure kuti, “idzo, dzaibva!”
Asika hadzidyivi zvekukaka dumbu,
Mazino aisara ave nehwadzira!

Nharaunda, chikoro nechiteshi chonzi Mutsamvu,
Sekuti muti muhombe une midzi yakasimba!
Pamusoro peTsamvu/Tsamvi wotipa mukosi,
Chorira chikoti choita maungira nemakomo!

Onde, Guyu, rinonzwanana nemvura,
Kwatinobva unongoramba uchibara,
Kunyanya muchirimo kusvika zhizha,
Chashata bedzi harisiyani nezvimbuyu!

Ndudwe, Mandudwe, Nhunguru,
Dzaibva dzinodyiva dzakadaro,
Kana kugadzira kari kamhamba,
Mududwe unorapa dzihwa nemanyoka!

Hacha, kune vamwe iChakata,
Dzinovanikwa kana kusinganyanyonaya,
Basa guru reMuhacha kugadzira muchero,
Pasina izvozvo, kungovanzwa mibvuri.

Shumha, Shuma, Suma,
Mushumha wechikadzi ndiwo unobereka,
Unosiiwa pakati pemunda kuti tizokohwa,
Muchero unonaka zvekudyiwa nemateko.

Nzambara, vamwe voti Mbambara
Dzinonaka, kuita kudonha mukaka mutsvuku,
Zvikasi zveshiri unozviona imo mumuti,
Mudzi wotsenga kurerutsa marwadzo.

Munyii wagara une mashizha gore rose,
Todzidya Nyii/N’I zhizha kusvika muchando,
Dzinonaka nguva yadzo dzichiri kuibva,
Dzaoma kunenge kwangove kun’en’ena!

Masekesa rikava zita rasekuru,
Vamwe vanoti chingwa chetsoko!
Ratsvukira kuritanha ribodzi?
Muswere wese muchingonetsana!

Matufu, Nzviru, vamwe vakati Nzvirumombe,
Sekuti dzinodyiva kunyanya nevakomana,
Maenza kwavanoswerofudza mombe,
Kudzoka kumba bedzi kunonwira mvura!

Kudya Mapfura kuita zvekusvisvina,
Kwete kudarika muganhu, unodhakwa!
Nyangwe nzou unodziona dzichidzedzereka,
Mhodzi dzaoma kubva vana vodya shomu!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*