Shinja

Ndiripo pamusoro peNyachirongo,
Ndakatarisa bani reMatiashe,
Ndakanuka ndangoshama muromo,
Nyika yakanaka iyi wedu-we!

Kufunga ndakakurira nyika dzino,
Kana neni ndinozviramba,
Ko nei ndaisazviona ndichiyaruka?
Ndichishuwira nzvimbo dzevamwe.

Nguva yafamba ndichingoyewa,
Kana nzara kuinzwa bodo,
Ndatanga ndiri munzviru nenhengeni,
Zvino ndawe mumatohwe nechecheni.

Husavi zvemauro hwarongeka,
Nembwa yangu Muroyindishe,
Katsuro zvese nemhembwe tabata,
Mutikiti tombozorora kwemazuva.

Sehoromba ndodzika kuchiro,
Kuremekedza masango, zvokodoka,
Kuti nonoke, mapere otanga kurira,
Ndikapera nechakapedza mbudzi.

Kusvika nekamufambiro keabaya,
Ma’mwana vachirova kamupururu,
Muruwanze, kunditenda nemutupo,
Misodzi yoita seichadonha.

Zvino vamai vondipa manyemwe,
Kumona tsambakodzi yerukweza,
Kuraudza chembere muto venyama,
Kuda kuti harahwa ifire musango!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*