Posted on: October 30, 2019 Posted by: admin Comments: 0

Dai hwaidzokororwa,
Daidada neupenyu hwangu,
Kuremekedza vangu vabereki,
Kuvimba neshamwari dzangu,
Vose vagomhanyira kwandiri,
Ndoregedza kuzvifananidza,
Kukuridzira rangu tarenda,
Kusashushikana ndisingagoni,
Fodya haina shura sedoro,
Asi ndaisiyana nekuiputa,
Kuchengetedza wangu muviri,
Ndorega dzungu, kudzikama,
Kudya zvine mwero, zveziya,
Ndongoyewa yechisikirwa,
Ndakakomberedzwa nerudo,
Ndaiwe nezvese zvandaida,
Chandaimhanyira mari chi-i?
Ndazadza matanga mashanu,
Asi ndawe hari yofanzirofa,
Pedyo nekufuga rangu ndega,
Ndisina kana nemuchengeti,
Upfumi hworema kutakura,
Ndananga kwamupfiganebwe,
Kunoendwa angori maoko!

Leave a Comment