Muka kwaedza
Muka, muka, muka kwayedza Zuva rabuda, Machongwe arira, Muka, muka, muka upenye Farira kufamba kwenguva
Vana Vevhu
Nziyo nemitambo yevana
Muka, muka, muka kwayedza Zuva rabuda, Machongwe arira, Muka, muka, muka upenye Farira kufamba kwenguva
Kwedu kune nyimo (Hakuna mandere) Kwedu kune nyimo (Hakuna mandere) … (Kwedu kwedu)
Emeria ndikuyire (Guyo riye randitambudza) Emeria ndikuyire (Guyo riye randitambudza) Ndabata musoro (Guyo riye randitambudza) Ndabata musana (Guyo riye randitambudza) …
Chitsa chemudoro here ha-a (Chava chitsa chemudoro) Chitsa chemudoro mai voye (Chava chitsa chemudoro) Chitsa chemudoro makwindi (Chava chitsa chemudoro) Katibvu, katinganda, hendehe …
Ndiripo (Monatse kutaura) Ndisipo (Mureva nepasipo) Ndiripo (Monatse kutaura) Ndati pote (Mureva nepasipo) …
Chamutambarare (Haiye) Chamutambarare (Haiye) Maringo-ringo ndiani (NdiaMujijiri) Banga ndazoriwana muchakunda Gonzo rine ndoro pamusana Chiya chidembo pamuchinjiri Chinyura iwe Nyamutsvinya mutsvinyura
Sadza nederere Chava chitai-tai Kuzoti nekanyama Mhanza powo-o!
Chinungu-chinungu (Kanda museve) Ndau-vaNdau (Kanda museve) Manyika-vaNyika (Kanda museve) Bocha-vaBocha (Kanda museve) …
Mvura usanaye Mvura usanaye Isu vana toda kutamba Huya rimwe zuva
Gumbekumbe-we kumbe (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani chihwa chihwa chihwa (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani nzou nzou nzou (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani dziva dziva dziva (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Continue Reading →