Mvura usanaye
Mvura usanaye Mvura usanaye Isu vana toda kutamba Huya rimwe zuva
Vana Vevhu
Mvura usanaye Mvura usanaye Isu vana toda kutamba Huya rimwe zuva
Gumbekumbe-we kumbe (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani chihwa chihwa chihwa (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani nzou nzou nzou (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani dziva dziva dziva (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Continue Reading →
Hona vanhu, hona vanhu-we! (Kamwe kakati – vaneiko, vaneiko-we?) Kamwe kakati – vane tsenza, vane tsenza-we! (Kamwe kakati – kumbira tipivevo?) Kamwe kakati – hatiroyivi here? (Kamwe kakati – huroyi Continue Reading →
Tsatsa ndikatsandika (Ndikatsa) Shinja ndikatsandika (Ndikatsa) Munyanyazi ndikatsandika (Ndikatsa) Odzi ndikatsandika (Ndikatsa) Save ndikatsandika (Ndikatsa) Zambezi ndikatsandika (Ndikatsa) Mukuwisi ndikatsandika (Ndikatsa) …
Apa pakasungwa neutare Apa zinyekenyeke …
Hoyo waenda (Muchiona, muchiona) Tete waenda (Muchiona, makangotarisa muchiona) Hona waenda (Muchiona, muchiona) Chikangamazai chiye (Muchiona, makangotarisa muchiona) …
Dede zangara uyo mutii? Mupfuti tsvengurudze ndoisa paya Dede zangara uyo mutii? Mutondo tsvengurudze ndoisa paya Dede zangara uyo mutii? Musasa tsvengurudze ndoisa paya …
Mumwe murume Wakaenda Sozibheri Kunotenga Bheri-bheri bhotomu Pakudzoka Wakatsikwa nemota Mota yacho Pio-pio pijoti
Pote pote Zakariende Pote pote Zakariende Ndinotsvaga wangu Zakariende Musuki wendiro Zakariende Anodzichenesa Zakariende Kuti chuchuchu Zakariende Semwedzi wagara Zakariende Uyo sara Uyo hande Haivaiva ndanga ndichirewa uyu Simuka hande Continue Reading →
Mwanangu Chiramwiwa Endawo kumagaka Tizope vaNyamande Vane meso machena Anenge engururu Ngururu dzachijaka Dzinongojakaira Nenyika dzose dzose