Mangwana dzinani
Mangwana dzinani Mangwana dzina Toriro Toriro dumbu guru gadzike
Vana Vevhu
Dingindira reupenyu hwezuro
Mangwana dzinani Mangwana dzina Toriro Toriro dumbu guru gadzike
Nhasi dzina Chemusaiziya, Isu handeyi uko kurwizi, Tinoona chikomana chepamhiri, Chakaurayisa imbwa yako nezuro, Payakarohwa ganyamuto negudo, Ngaatogwinya, nhasi anokuona! Iri raamai vako, iro raamai wake, Anoti pwe-e obvongonyodza, Tiutange Continue Reading →
Weduwe-e muchauraya varume, Nemadirativhange amunovadyisa, Asina anoziva, zvino akodzongwa, Mamhepo, muzita remupfuhwira! Godobori ndawirwa nerushambwa, Kutizwa newangu murume, ondisema, Ndipei renyu gachichi remushonga, Adzoke zvakare kundida moto! Chitora nyoka idzi Continue Reading →
Kuroorana vaviri, Vane pfungwa dzakazvimirira, Zvasiyana zvido nezvivavariro, Zviuya hazvivanani! Kana zvizhinji zvikavirirana, Kubva ndiko kugarisana hukama, Kuchembedzana kusvika kukwegura, Pamwepo moona vazukuru vachikura. Hazvirevi kufanana kwepfungwa, Asi kuremekedzana mafungiro, Continue Reading →
Chakanaka chakanaka sahwira, Chinwiwa chenyu chinonaka mhani! Rine horeka, aya matindingoma! Doro renyu randiomesa gotsi papata, Kungoti dzvutu, ndadungunurwa! Tendayi muzvare mubati wezviyo, Vamandiriri, kuzvigeza nekuzvichenesa, Kwemazuva manomwe kuzvinyika, Kana Continue Reading →
Chakabaya chikatyokera! Vangu mudzimu vakapakata gona rapedza dzinza, Ivo vandipa ronda kuti nhunzi dzindidye, Ndofudzwa nepfumvu kusingaperi, Kubvira ndichiri mudumbu kupfuura kwamupfigwanebwe, Harwusi rwendo rwevane hana nhete. Yangu raramo haitori Continue Reading →
Pano une danga radzo mhandara, Dzinorara sei munhanga gurumwandira kudai? Ane mhuri kwayo ndeane ndume seni, Imi mune mhurikadzi zivai kuti vatorwa, Vachaenda mukasara matarisana nababa vemusha, Ndipe zvako mbiri Continue Reading →
Zviyo zvako hazvina kunyatsokangwa izvi, Hauzivi mhamba inoshata musi vayabikwa, Moshora angu magate mashava kuvazva hwahwa, Nditambidze mhirimo tiite ‘mhoro doro’, Iri rinotoda chiwenga nditsukute tufodya, Zvimwe ndikakwewa ndingabvisa kakuzhazhira. Continue Reading →
Yedu nyika inotongwa neVadzimu, Pamwe neMhondoro dzinosvikirwa, Dzinotaura ndimi nevari kumhepo, Dzoturikira kunaMambo mutongigava, Nehofori dzemakurukota obatsirwa, Kutungamira ruzhinji pasina saruro. Masango otipa zvinogutsa dzinza rose, Miti yemichero nematombo emapfumo, Continue Reading →
Ndagarisa muno musango ndaneta, Kwemakore kuvhima pasina chimuko, Kubatwa huyanga semombe yemashanga, Iyo nhava maburi yaramba kuzara, Ngoroyemoto kushaya kana tsaru zvavo? Bata homwe unowirwa nechadzimira, Vanokutorera pamhene pano pamusika, Continue Reading →