Kachembere kegudo
Kachembere kegudo Kane vana vasere Kaifamba kachikwira mugomo Kaifamba mangwanani Kachitsvaga zvekudya Kana kaguta vainzwa koti Yuwi yuwi kwenyu-kwenyu Yuwi kachikwira mugomo Kaifamba mangwanani Kachitsvaga zvekudya
Vana Vevhu
Nziyo nemitambo yevana
Kachembere kegudo Kane vana vasere Kaifamba kachikwira mugomo Kaifamba mangwanani Kachitsvaga zvekudya Kana kaguta vainzwa koti Yuwi yuwi kwenyu-kwenyu Yuwi kachikwira mugomo Kaifamba mangwanani Kachitsvaga zvekudya
Wehuwe Nyarara mwana Wehuwe Nyarara mwana Mwana anochema Nyarara mwana Mwana anochema Nyarara mwana Mwana wenyu wachema vakoma Wachemera mai vakaenda Vakaenda kwaChidyamupunga Chidyamupunga magaka aora Aorera mhiri kwaMungezi KwaMungezi Continue Reading →
Tumbedere woye tumbedere, Kwaunoendayo kwakashata, Nyoka mbiri dzakauraya mai, Wakadziona here?
Mvura naya naya Tizodya magaka Mvura naya naya Tizodya magwere Mvura naya naya Tizodya mapudzi …
Chamupupuri chawa, Chamupupuri icho, Chamupupuri chaenda, Chamupupuri nzvee!
Shiri yakanaka unoendepi, Huya huya titambe, Ndiri kuenda kumakore, Kuti ndifanane nemakore!