Category: Mutambo
Amai vaRena
Amai vaRena (Woye woye Rena) Vakapisa mwana (Woye woye Rena) Nekukara nhopi (Woye woye Rena) Kajusi kana kajusi …
Pahushamwari hwedu
Pahushamwari hwedu, Tega tega zvedu, Hapana anotikunda, Nehubhosi hwedu.
Dudu muduri
Dudu muduri (Katswe) Dudu muduri (Katswe) Chipo muduri (Katswe) Chiedza muduri (Katswe) Rudo muduri (Katswe) …
Amina
Amina Amina kadeya Kungovheya Amina wandishamisa P.O.Box Marandellas, Marandellas Dhumbembe dhumbembe dhumbembe Amina ju-u jekiseni
Ndoda mupositori
Ndakatumwa namhamha Kunotenga masamba Ndikasangana nejaya Rikati ndinokuda Ndikati sve-e handikudi Ndoda mupositori Anonditengera bhareta Nemudonzvo wesirivha Kana hondo yauya Ndohwanda mumandebvu Ndohwanda…
Hwai hwai
Hwai hwai voye (Hoye) Huyai kumusha (Tinotya) Munotyei (Mapere) Mapere akapera kufa kare kare
Sarura wako
Sarura wako (Kadeyadeya ane ndoro chena) Wangu mutema (Kadeyadeya ane ndoro chena) Mutematema (Kadeyadeya ane ndoro chena) Ane mahobi (Kadeyadeya ane ndoro chena)…
Kachembere kegudo
Kachembere kegudo Kane vana vasere Kaifamba kachikwira mugomo Kaifamba mangwanani Kachitsvaga zvekudya Kana kaguta vainzwa koti Yuwi yuwi kwenyu-kwenyu Yuwi kachikwira mugomo Kaifamba…