Asi chii nhai
Vanhu imi heyi, Kumira kuti hoo, Shandaika chimbi, Zvibva zvati gedye, Kuchakati ndoo. Manje rodziya kwii, Nemi mati rabada, Maheu itai dzvutu, Musati mati tasa, Mozoti neni nanga. Ita rinyatsoti Continue Reading →
Vana Vevhu
Vanhu imi heyi, Kumira kuti hoo, Shandaika chimbi, Zvibva zvati gedye, Kuchakati ndoo. Manje rodziya kwii, Nemi mati rabada, Maheu itai dzvutu, Musati mati tasa, Mozoti neni nanga. Ita rinyatsoti Continue Reading →
Madirei echikoro kudzokorora, Chikamu chimwe chete katatu, Zvino zvaave kutonge baba, Vari kutamba nevana, Tarira, injodzi munhandare. Zvechikoro zvaramba izvi, Regai zvangu nditsvage basa, Muzvinamuchovha anoda rubatsiro, Ropa rangu ronzwa Continue Reading →
Kwava kusakara kwedovo, Sekunge risakadyiwa nyama, Wangu hupenyu ndazadzikidza, Vana vatatu vazukuru jahwi, Vati pararira nenyika dzose, Tangotarisana pano nama’tombi, Richibuda dakara parinopota. Ndinobvuma idi ndachembera, Asi hazvirevi ndachinja moyo, Continue Reading →
Tarira munda wati ndoo, Kusviba nadzo idzo Ndira, Kupera kweZhizha asika, Famba nendima kusakura. Kukadzi uno matura azeyama, Rave dzikitsiki kunyima sechapungu, Hanzi patabika tatyora mugoti, Muenzi haapedzi dura weduwe. Continue Reading →
Ndakakura naye mufana uyu, Nyope chaiyo muera gejo, Kana kumora huchi hwaiva hutsi, Asi padiki nepadiki ndakamudzidzisa, Bva nhasi uno zvandiparira, Yave shoroma mudya ndichipfachura, Ini ndini ndava kuti mukoma. Continue Reading →
Vemanzwi matete vanoziva, Simba rekutarisika kwemeso, Zvikazosanganiswa nenjere, Hupenyu hwave pamutenure, Asi harusi rwerudzi rumwe, Runako! Rwangu nderwekuzvarwa narwo, Kubva muhucheche tichakama, Chembere dzaikachamadzwa, Neangu meso aipenya semheni, Hanzi kupotsa Continue Reading →
Usatsamwa sengwena, Amai havarohwe, Muromo vakakutuka, Uswatanuke pfungwa, Ukwanise pari nhasi, Kudya zveziya rako. Navakoma makarwa kwazvo, Asi aityiwa nedunhu rose, Raiziva kuti haudenhwi, Mufana veuyu wemusindo, Benzi riye rikasamhanya, Continue Reading →
Gore zvaratopera, Tichidya Magodo kudai, Chikanya kudya tichipfachura, Chanakira isu MOV, TaZaranyika kudai. Tototenda imi Chidavaenzi, Tingadai tisiri padare rino neChiwandire charo, Navakuru vedu Banda naDapira, Tichikurukura zvakadzama Mandisodza, Sechinyakare Continue Reading →
Mazita jahwi moita ekusarudza, Vazukuru vanoti gogo, Vavakidzani vakati mbuya ngana, Kwatiri vana muri gamba, Rakashanda siku nesikati, Kutadza kurarama hwaro hupenyu, Richigadzirira hwedu hwanhasi, Ndosaka tichikutii Nehanda. Zvakatangira pasi Continue Reading →
Muchaenda Budzi raMupengazvese naMakada Gamba, mukono vakamwa mukaka ukaguta Vakabva Mbire kusingasvikwi nevehana nhete VanaBarambabvu vachiuya kuno kuChinyamakungu Vavhimi venjere vanoridza ngoma nemidzonga yenyama Ndiye muera’mbwa, Mukonaanhu, n’anga yeGuhune yaiwaridza Continue Reading →