Hakuna mandere
Kwedu kune nyimo (Hakuna mandere) Kwedu kune nyimo (Hakuna mandere) … (Kwedu kwedu)
Vana Vevhu
Kwedu kune nyimo (Hakuna mandere) Kwedu kune nyimo (Hakuna mandere) … (Kwedu kwedu)
Emeria ndikuyire (Guyo riye randitambudza) Emeria ndikuyire (Guyo riye randitambudza) Ndabata musoro (Guyo riye randitambudza) Ndabata musana (Guyo riye randitambudza) …
Chiiko chandirovesa hana? Paanongoti nepadivi nzwe-e, Kundishaisa zororo kana hope, Zvinorema pamoyo kuzvireva, Kune iye muridzi wenyaya. Zvangu zvinenge zvoda kuita, Dzvoko, kwandiri ziso apotsera, Kubva ini ndoshaya pokuringa, Ndikati Continue Reading →
Kana ndisati ndakuziva? Nguva kure gochaimatehwe, Pedyo neni waingowepo, Waiva muvakidzani wangu, Kugarisana nekudyidzana, Karekare makore tichifara, Kusuduruka ndakatadza, Nyamatsatse ndokucheka, Ini pepu, mudikani wangu, Ndiro ruva randasarudza! Gonhi wakandizarurira, Continue Reading →
Usashushikana zvako hama, Nekudzika-dzika kuzvitsvaga, Hazvina kana zvazvinoreva, Nyakuzvireva akatozvikanganwa, Kupfuura achikuturikira mhepo, Kukukandira mweya wetsvina, Yave mhezi pakati pewako moyo, Pfungwa hadzichaoni mangwana, Dzakusunga ndare, kukuchemedza, Wotadza nekupfakanyika kwose, Continue Reading →
Parerenyatwa tose tinopaziva, Zvinavashe, kutonga ndekwamambo, Dambudzo tisu takarirera, Takawira pavadzvova ndururu, Tungamirirai, kwete kutonga nedemo, Kuvakuru nevadiki shamuyarira, Totsonderwa muduri semhutwa, Nhongo ndokurasa muswe pamupiro, Zvino nyika yamunywa nemujuru, Continue Reading →
Mhizha inoonekwa mambakwedza, Hope dzagara hadzina ndima! Muka mwanangu ubvise mabori, Gumbeze wonanika paruzhowa, Tora kabvavha ugeze tsiriri, Ubude panze urohwe nemhepo! Idya maradzwa udzinge nzara, Rakamhazhika rinosunga ura, Bhanana Continue Reading →
Ndiripo (Monatse kutaura) Ndisipo (Mureva nepasipo) Ndiripo (Monatse kutaura) Ndati pote (Mureva nepasipo) …
Zvavati uchasvika kupera kwesvondo, Chirega kuuya angori maoko, Kana wakabata kanyama kepondo? Zvinoremererawoka zvitakurwa, Hwemubhodoro hutsvuku, hauoni! Ndokuitawozve munhu azvipira, Ukama igasva hunotoda kudya. Haungoeri watsika ruvanze, Rwatsvairwa naambuya mangwanani Continue Reading →
Vadzidzisi vanobatsira muupenyu, Rangarira raramo yavo iri pauri, Ndosaka vachivavarira paunozvarwa, Kuti ubude uri zidofo remakoko. Chiremba anokurapa nguva dzese, Paunorwara mudumbu nemusoro, Kana ivo mapere akutambisa nhova, Anokunamatira urwere Continue Reading →