Hama dzemuroora

Ini hameno chandakaona,
Pane wangu iye mwamuna,
Nguva zhinji ana vamwene,
Hazvinei tsapata rukukwe.

Iro godo rinorema ravamwene,
Kutonga zvisinei navo mumba mangu,
Chembere kugarobwereketa mavi,
Inga vamwe vanoroyera kure vani.

Zitete ripi mvana yakazvigarira,
Kurambwa nemurume nekunyima,
Mwana venyoka wagara inyoka,
Chii chaizvo chavangandipanga.

Babamukuru kuperera pazita,
Kutevera ndari kudzoka dzasukwa,
Iko kuonda idoro, harina mbuva,
Ko kutsvaga basa zvinoita vamwe.

Kuroora babamunini kanganwai,
Mbanje nepfambi vanozvivanza,
Mukanwa kunhuhwa chidembo,
Magarisana’bva kutoteya mhepo.

Hama yangu pano ndivatezvara,
Havapindiri nyaya dzisiri dzavo,
Nevana vangu ngirozi dzedenga,
Nhodzero kuneni nerangu dzinza.

Kubudirira kuronga

Mati ihurudza nekuti ane mombe,
Dzaakasiirwa nababa vakaenda,
Ini zvangu ndaramba kuti kwete,
Ane mombe nekuti ihurudza!

Haangochemichemi nguva dzese,
Nyatenga aramba kurutsa mvura,
Chero mbesa dzake dzosvava nezuva,
Sekuti chemukuru anopa omene.

Hove dzinokwira dzine muronga,
Pamunorasa muswe muchirimo,
Hurudza inotsva nezuva kugadzirira,
Kuisa mifudze mune wake munda.

Panozoti gumiguru kana yotinhira,
Murovakamwe nenhimuramwaka,
Nzombe dzake dzafuta nemafuro,
Magejo nembeu zvose zvaringana.

Imi nyope motanga kupaparika,
Nekubwereketa mavi asina maturo,
Kupi kwadzakakorera pamarekete,
Muromo usingamharwi nenhunzi!

Upfumi hauzvikoki kunga urombo,
Kutokwinya nguo kusunga dzisimbe,
Chiri mumuti ndechewagona kukwira,
Zuva rabuda, kubudirira kuronga.