Tsuro nambada
Ndiani mukuru tsuro nambada? Ndimbada Ndiani mukuru tsuro nambada? Ndimbada …
Vana Vevhu
Ndiani mukuru tsuro nambada? Ndimbada Ndiani mukuru tsuro nambada? Ndimbada …
Mudumbu machema nzara munoda kuguta, Tinorwushuvira rugare tinorwuda, Kwariri zambuko enda usaneta, Chiriko chekupfumbata usagare pasi, Chikumbiriso mudiwa ndicho ichi, Chikumbiriso baba wevana ndicho ichi, Uzondirangarirawo. Ichi chigutsa wepamoyo, Zvaunoona Continue Reading →
Ndaneta kumhanyamhanya, Pfungwa dzave rushinga, Hana yaramba kugadzikana, Ndotswara hundi moyo kumakoto, Kamukwende taku, simu, tande, Kuchizororo kunopumhura! Hazvina kumira zvakanaka, Iyo yakwavarara yatya, Ini ndinofa ndagurukuta, Ndonanga kumusha kunobumhudza, Continue Reading →
Musarera dambudzo, Rinodzoka rokutambudzai, Ragara iro pachigaro, Imi moita varanda! Ritsvagirei nyaya, Musangano uriparadze, Musavarairwe naro, Dambudzo richakutongai. Kunyanya imi wechidiki, Vasingazivi chinonzi hondo, Zvigadzirisei iye zvino, Ripere pachine nguva! Continue Reading →
Tarisai mukati Shumba inoruma Tarisai mukati Shumba inoruma …
Papata, inguva yaive yakaoma, Kuve jaya kana mhandara, Nhamo yefodya kurumwa nekutsva, Kuzvipedza kwauve kutoyambuka, Pungwe, kuenda Nyadzonya, Unozvipakatira rako wega gidi. Ukasadaro wainzi uri gwara, Nharaunda yokutarisira pasi, Mabhunu Continue Reading →
Ndarivana gangaidzwa mukwenyi, Mhezi yavavira mune wangu moyo, Chigagairwa, chiunu chinenge chego, Zvino ndongoumburuka siku rose, Mangu mupfungwa haazorori kumhanya, Kaguchu-kadende, zviuya muroora vamai, Zvomene, mwana andishaisa hope! Ko, ihwo Continue Reading →
Ndewangu! Kwandakamuwana kachana, Kunosvika madhongi ave nenyanga, Gore rose ndichimupfimba, Gwevedzi kupedza rave neman’a! Nduma takapanana kwatete, Munyai nasamukuru ndakatuma, Handina chikwereti natezvara, Ndakabhadhara ano mazimari, Nedzinotsika, danga rose! Ndewako Continue Reading →
Mwedzi wagara Wagara kuna dendere Dendere china mavara Mavara anenge edzetse Edzetse rakwira muzinda Mumuzinda kunoteya tsuro Teya tsuro nemubata mutsva Mubata mutsva wemajekechera Jekechera kiyi dzavarungu Dzavarungu dzakapera kutsva Continue Reading →
Iwe neni, Sezvose zvakanaka, Zvinouya zvakabatana, Nyevhe nedovi, Bhande nebhurugwa, Mari nedumbu, Chingwa nemajarini, Solo naMutsai, Iwe neni! Chirenga kurebesa meso, Womira kurerutsa chiunu, Ndicho here chimanjemanje? Chekumhanyidzana netsikombi, Dzinopfuura Continue Reading →