Chitsa chemudoro
Chitsa chemudoro here ha-a (Chava chitsa chemudoro) Chitsa chemudoro mai voye (Chava chitsa chemudoro) Chitsa chemudoro makwindi (Chava chitsa chemudoro) Katibvu, katinganda, hendehe …
Vana Vevhu
Chitsa chemudoro here ha-a (Chava chitsa chemudoro) Chitsa chemudoro mai voye (Chava chitsa chemudoro) Chitsa chemudoro makwindi (Chava chitsa chemudoro) Katibvu, katinganda, hendehe …
Usashushikana zvako hama, Nekudzika-dzika kuzvitsvaga, Hazvina kana zvazvinoreva, Nyakuzvireva akatozvikanganwa, Kupfuura achikuturikira mhepo, Kukukandira mweya wetsvina, Yave mhezi pakati pewako moyo, Pfungwa hadzichaoni mangwana, Dzakusunga ndare, kukuchemedza, Wotadza nekupfakanyika kwose, Continue Reading →
Mhizha inoonekwa mambakwedza, Hope dzagara hadzina ndima! Muka mwanangu ubvise mabori, Gumbeze wonanika paruzhowa, Tora kabvavha ugeze tsiriri, Ubude panze urohwe nemhepo! Idya maradzwa udzinge nzara, Rakamhazhika rinosunga ura, Bhanana Continue Reading →
Ndiripo (Monatse kutaura) Ndisipo (Mureva nepasipo) Ndiripo (Monatse kutaura) Ndati pote (Mureva nepasipo) …
Zvavati uchasvika kupera kwesvondo, Chirega kuuya angori maoko, Kana wakabata kanyama kepondo? Zvinoremererawoka zvitakurwa, Hwemubhodoro hutsvuku, hauoni! Ndokuitawozve munhu azvipira, Ukama igasva hunotoda kudya. Haungoeri watsika ruvanze, Rwatsvairwa naambuya mangwanani Continue Reading →
Vadzidzisi vanobatsira muupenyu, Rangarira raramo yavo iri pauri, Ndosaka vachivavarira paunozvarwa, Kuti ubude uri zidofo remakoko. Chiremba anokurapa nguva dzese, Paunorwara mudumbu nemusoro, Kana ivo mapere akutambisa nhova, Anokunamatira urwere Continue Reading →
Kwamuka basa, ko-o huyaika! Torova huvi kuno kudunhu riri kure, svikai! Senhiyo pamhara gondo, vose voti mwanda, Gundamusevere, ndiani angade kusaririra pakadai? Vamwe ndokutanga kugadzira mbuva, Vanayo vakaunganidza mazana emari, Continue Reading →
Chamutambarare (Haiye) Chamutambarare (Haiye) Maringo-ringo ndiani (NdiaMujijiri) Banga ndazoriwana muchakunda Gonzo rine ndoro pamusana Chiya chidembo pamuchinjiri Chinyura iwe Nyamutsvinya mutsvinyura
Ndakomberedzwa nemiteyo, Kune yechisikirwa handisvikiyo, Ndinoitwa huku, mutsipa kwiyo, Ndinovhunika ndapurwa sezviyo, Rwavagara vachiimba rwiyo. Ndiri murufuse, ndawakunga, Vachindibanha nekunditunga, Kundibata vanotondisunga, Bakatwa kumusana rondijunga, Ndaenda ndipo vachandifunga. Yanyanyodini yangu Continue Reading →
Kurova kwehana here, kuti tsemu? Hameno zvinoita hura kukakatana, Kune mumwe chete wavakarotswa, Kutanga kumuonera kutsi kwehope, Kuzoti ba-a, kubva wodonha tsiriri, Nyeredzi matsatse ikati yaturuka! Kuda ndeuya wechihwande-hwande? Dai Continue Reading →