Zivai zvamakafambira

Ramadunhurirwa ndiMafirakureva,
Sekuti ndinodzora nevasingadi,
Chengetedzai imbwa yenyu!
Idyire muruwanze mayakasungirwa,
Musiye kundituma kubata panoera.

Vamunopembedza pamisangano,
Vanofamba vachiti makafa kare!
Vachiganza nezvinhu zvavasina,
Kurondedzera kwavasina kuswera,
Kusvika hanzvadzi dzedu dzadyira!

Tikati tibvunze chikonzero,
Ongokwenya mutsinganhoko,
Zvino anyumwa bere nderake,
Saka takamugadzirira chikero,
Zvizhinji pedzerai nyota patsime!

Rine manyanga hariputirwe,
Kutaura kuno matove Vahosi,
Roora takaritambira parunhare,
Tsvakiraino ikasiiwa pasi pegonhi,
Mimba yonanaira mwedzi mina.

Maiguru, hapana murume akashata!
Runako rwake rwuri muhomwe,
Kunyanya kunze kuchitonhora,
Mudzimba, kutotamba iri kurira,
Morega kungwarira paduri sehuku.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*