Pombi
Wandinyima bhasikoro, pombi ndinayo Yangu inopomba kwese, shure nemberi Wo iye re-e, wo iye re-e (Bhundu Boys)
Vana Vevhu
Dingindira reupenyu hwezuro
Wandinyima bhasikoro, pombi ndinayo Yangu inopomba kwese, shure nemberi Wo iye re-e, wo iye re-e (Bhundu Boys)
Kutoshinga, ma’mwana, kufa hakuurayi! Yangu nhamo ndeye fodya yemudzanga, Inoti uku yakarumwa, kuno inotsva netumitemo, Tunovezwa nevarume, kuvapfavira vokushavira. Ndagara kumuka pahunotsvuka hutonga, Ndotsvaira ruvanze rwese pasina ati afamba. Tsve-e, Continue Reading →
Ndanzwa ruzha rwesando nezvipikiri, Kurovera bhokisi reakatisiya madeko, Zhizha, pataipura nyemba nemusana, Aenda, zvese nemaguta akatekeshera. Hatina chakanaka, totsamwa kana yonaya, Kutirova nhongonya, ichierera nemumaziso, Kukoshiwa kunhuhwira kwejiho rabva kunaiva, Continue Reading →
Shungu iwe shungu iwewe (Doro tinongotambura naro hatigone kusiyira vamwe Chinwai tiende kumusha) Ndikati shungu iwe hona shungu dzangu ini (Doro tinongotambura naro hamugone kusiyira vamwe Chinwai muende kumusha) … Continue Reading →
Ndokushanya kwatezvara kisimusi ino, Naye vangu mukwashan’ina, sezororo guru. Vangu mudzimai mberi, iye nevake kumashure, Muhambautare mbishi ine zimhopo pamusana. Yakati zi-i, chinyararire kupinda ruvanze, Vakazonzwa nekutaura ndatomisa kare. Vamwe Continue Reading →
Rova ngoma mutavara we-e (Yowe-e amai voye) Tonozvireva kuna aniko we-e (Yowe-e amai voye) Rova ngoma mutavara we-e (Yowe-e amai voye) Tonofira musango we-e (Yowe-e amai voye) … Tuku
Varume, nhasi pano paita zinyaya, Rakaoma, dare rafukunura zvihombe! Mudunhu raSabhuku Mazvimbakupa, Mbudziyadhura akaita chisionekwi! Potoda kuisa misoro pamwe chete. Tisati tatanga kana kuvhura muromo, Iyi nyaya ichatora nguva kuivheya. Continue Reading →
Ndorima musana wandirwadza Pakudya ndomera manhenga! Ndorima musana wandirwadza Pakudya ndomera manhenga! Ndorima musana wandirwadza Pakudya ndomera manhenga! …
Veukama nhasi vandiparira, Mwoyo yavo yakaoma, zviri nani ndiende kure, ndinogara kure nehama, Veukama vakaoma, Mwoyo yavo yakaoma, zviri nani ndiende kure, ndinogara kure nehama, Hona vandigara dare, Mwoyo yavo Continue Reading →
Ho-o imi woye woye woye Shandai nesimba zvichanaka chete (Zvichanaka) Usimbe haushande (Usimbe ndimarimanzara) …