Dukuduri wakafa
Hona vanhu, hona vanhu-we! (Kamwe kakati – vaneiko, vaneiko-we?) Kamwe kakati – vane tsenza, vane tsenza-we! (Kamwe kakati – kumbira tipivevo?) Kamwe kakati…
Hona vanhu, hona vanhu-we! (Kamwe kakati – vaneiko, vaneiko-we?) Kamwe kakati – vane tsenza, vane tsenza-we! (Kamwe kakati – kumbira tipivevo?) Kamwe kakati…
Tsatsa ndikatsandika (Ndikatsa) Shinja ndikatsandika (Ndikatsa) Munyanyazi ndikatsandika (Ndikatsa) Odzi ndikatsandika (Ndikatsa) Save ndikatsandika (Ndikatsa) Zambezi ndikatsandika (Ndikatsa) Mukuwisi ndikatsandika (Ndikatsa) …
Hoyo waenda (Muchiona, muchiona) Tete waenda (Muchiona, makangotarisa muchiona) Hona waenda (Muchiona, muchiona) Chikangamazai chiye (Muchiona, makangotarisa muchiona) …
Dede zangara uyo mutii? Mupfuti tsvengurudze ndoisa paya Dede zangara uyo mutii? Mutondo tsvengurudze ndoisa paya Dede zangara uyo mutii? Musasa tsvengurudze ndoisa…
Mumwe murume Wakaenda Sozibheri Kunotenga Bheri-bheri bhotomu Pakudzoka Wakatsikwa nemota Mota yacho Pio-pio pijoti
Pote pote Zakariende Pote pote Zakariende Ndinotsvaga wangu Zakariende Musuki wendiro Zakariende Anodzichenesa Zakariende Kuti chuchuchu Zakariende Semwedzi wagara Zakariende Uyo sara Uyo…
Mwanangu Chiramwiwa Endawo kumagaka Tizope vaNyamande Vane meso machena Anenge engururu Ngururu dzachijaka Dzinongojakaira Nenyika dzose dzose
Makorokoto, makorokoto, makorokoto! (Aya ndivo makorokoto) Makorokoto, makorokoto, makorokoto! (Aya ndivo makorokoto) …
Chimbambaira chiri mupoto Chiri mupoto (Chimbambaira chiri mupoto) Ndodya naniko? (Chimbambaira chiri mupoto) Chiri mupoto (Chimbambaira chiri mupoto) Simba huya (Chimbambaira chiri mupoto)…