Chamutambarare
Chamutambarare (Haiye) Chamutambarare (Haiye) Maringo-ringo ndiani (NdiaMujijiri) Banga ndazoriwana muchakunda Gonzo rine ndoro pamusana Chiya chidembo pamuchinjiri Chinyura iwe Nyamutsvinya mutsvinyura
Vana Vevhu
Mvengemvenge
Chamutambarare (Haiye) Chamutambarare (Haiye) Maringo-ringo ndiani (NdiaMujijiri) Banga ndazoriwana muchakunda Gonzo rine ndoro pamusana Chiya chidembo pamuchinjiri Chinyura iwe Nyamutsvinya mutsvinyura
Ndakomberedzwa nemiteyo, Kune yechisikirwa handisvikiyo, Ndinoitwa huku, mutsipa kwiyo, Ndinovhunika ndapurwa sezviyo, Rwavagara vachiimba rwiyo. Ndiri murufuse, ndawakunga, Vachindibanha nekunditunga, Kundibata vanotondisunga, Bakatwa kumusana rondijunga, Ndaenda ndipo vachandifunga. Yanyanyodini yangu Continue Reading →
Kurova kwehana here, kuti tsemu? Hameno zvinoita hura kukakatana, Kune mumwe chete wavakarotswa, Kutanga kumuonera kutsi kwehope, Kuzoti ba-a, kubva wodonha tsiriri, Nyeredzi matsatse ikati yaturuka! Kuda ndeuya wechihwande-hwande? Dai Continue Reading →
Ndinokuda zvangu ufunge! Zvinotonetsa kutsanangura, Manzwira ewangu mwoyo, Kutaura ndoita kuzevezera, Zvoita idonhe misodzinyina. Dairawozve ndichikushevedza! Kusuka wopedzisa mbaimbai, Ndibate, ita zvekundimbundira, Undipomhodze ndonzwa kutsva, Chishuwo chandisveta simba! Chigara pasi Continue Reading →
Sadza nederere Chava chitai-tai Kuzoti nekanyama Mhanza powo-o!
Ndiko kurumwa nechekuchera! Ndini ndakakubata pangonetesa, Tezvara vakati ungomuroora chete, Ukasadaro unovhunika mitezo! Zvichitanga zvakambonakidza, Kwechinguvana takambopembera, Tichidaidzira, “kuno tigere bho-o!” Nhamo kuinzwira kuvavakidzani. Handizivi chakati uchinge moyo, Zvimwe kudzika Continue Reading →
Dai hwaidzokororwa, Daidada neupenyu hwangu, Kuremekedza vangu vabereki, Kuvimba neshamwari dzangu, Vose vagomhanyira kwandiri, Ndoregedza kuzvifananidza, Kukuridzira rangu tarenda, Kusashushikana ndisingagoni, Fodya haina shura sedoro, Asi ndaisiyana nekuiputa, Kuchengetedza wangu Continue Reading →
Kuzvimiririra kunoda kushinga, Kutokwinya, kushanda nesimba, Worega kumirira vanozvishandira, Kana wanyimwa woridza tsamwa, Womupomera zvese zvakashata, Kuna mai, sekuru nehuku dzese, Ziva paunonongedza chigumwe, Zvitatu zvakanongedza kunewe, Rushambwa harubvi nemvura, Continue Reading →
Chinungu-chinungu (Kanda museve) Ndau-vaNdau (Kanda museve) Manyika-vaNyika (Kanda museve) Bocha-vaBocha (Kanda museve) …
Vafana vemazuvano chiramwa! Panopano kuridza tsamwa, Ndezvako izvo, handikendenge, Vajaira dzavo nharembodza, Kumasaisai kwavanoswerotandara, Kare kwedu vaiwe moyo murefu, Kukuvara nenhomba wakatarira, Nyama, uku uchingoseva nemuto, Dakara mukoma vazofunga kunhonga, Continue Reading →