Chari mukaranga
Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) …
Vana Vevhu
Mvengemvenge
Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) …
Nhandi vanditsika muswe wangu, Zvino ndatodza kutsika remberi, Vachenjeri vane muti mukanwa, Vagara vanotsenga mushonga, Vanoshopera dima mberi kwangu, Zvemunzira dzavo zvigutsa havaoni, Kunetsana nemhopo parangu dama, Avo magadziko achiora Continue Reading →
Waramba mbanda kubva haurapiki, Chirega tigokuyambira mwachewe, Kugarika hakuzvikoki seurombo, Kutomira-mira, kusunga dzisimbe, Mhuka yeshure inyama yeshumba. Imwe nhamo inokupa chimene, Chezizi, parafamba zvanzi muroyi, Kana ganda harichadairi mvura, Irwo Continue Reading →
Mumba muno mune mweya, Kunhuhwa semakafira gonzo, Chinonzi mutsvairo unochiziva? Wakapedzisira kushamba rinhi? Gwema rinobva nekwauri uko! Wakwiza man’a ari kuseka avo? Pada isipo yawageza nayo, Gutsurira kana kuzunguza, Chirega Continue Reading →
Muka, muka, muka kwayedza Zuva rabuda, Machongwe arira, Muka, muka, muka upenye Farira kufamba kwenguva
Yakatanga iri hurukuro zvayo padare, Vasharukwa vechondinyengedza, Chiroora mwanawe, ndiwo musimboti, Ini ndokunozvitsvagira yangu nhenha, Yakaita zvekusikwa, kwete kuzvarwa, Ndokumhanyira nayo mumambure, Dzikakurumuka hama nemadzisahwira, Kupunyaira kubva matunhu ari kure, Continue Reading →
Ivo vekurara masikati ava! Vachisakura vamwe nekuvhima, Kotsi negotsi kubva ngonono, Fukidza hari kana tswinya mhuno, Hope dzinodhonzerana nerufu, Tsika nditsikewo, zvinobhemerana! Usimbe zvamunoona unorwarisa, Zvekutofuga machira muChirimo, Rugare runotanga Continue Reading →
Takaifira, nyika ndeyeropa! Repfuti, zvikara, zvirwere nenzara, Kutanga ticharohwa nevapambepfumi, Zvichinzi ndiwe mujibha nachimbwido, Mupepeti wenhau nemutakuri wesoko, Mubatsiri wegandanga nemubiki wesadza, Murairidzi nemupembedzi wehondo, Kutamba pungwe, morari pasina mabori, Continue Reading →
Kwedu kune nyimo (Hakuna mandere) Kwedu kune nyimo (Hakuna mandere) … (Kwedu kwedu)
Emeria ndikuyire (Guyo riye randitambudza) Emeria ndikuyire (Guyo riye randitambudza) Ndabata musoro (Guyo riye randitambudza) Ndabata musana (Guyo riye randitambudza) …