Mwanangu Chiramwiwa
Mwanangu Chiramwiwa Endawo kumagaka Tizope vaNyamande Vane meso machena Anenge engururu Ngururu dzachijaka Dzinongojakaira Nenyika dzose dzose
Vana Vevhu
Mwanangu Chiramwiwa Endawo kumagaka Tizope vaNyamande Vane meso machena Anenge engururu Ngururu dzachijaka Dzinongojakaira Nenyika dzose dzose
Ndiripo pamusoro peNyachirongo, Ndakatarisa bani reMatiashe, Ndakanuka ndangoshama muromo, Nyika yakanaka iyi wedu-we! Kufunga ndakakurira nyika dzino, Kana neni ndinozviramba, Ko nei ndaisazviona ndichiyaruka? Ndichishuwira nzvimbo dzevamwe. Nguva yafamba ndichingoyewa, Continue Reading →
Rega kuonererwa, Kudira jecha zvinhu zvavakuru, Pagurumwandira nekuona vanhu, Vakomana vanokuvhakachira, Usiku, mapere otanga kufamba, Vokugadzirisa kwadikwadi, Paunoti regai zvangu ndizorore, Paye dzichangotanga kubata, Vorova goni, hazvidi anovhura, Iwe uchakadzimirwa Continue Reading →
Makorokoto, makorokoto, makorokoto! (Aya ndivo makorokoto) Makorokoto, makorokoto, makorokoto! (Aya ndivo makorokoto) …
Ndakagara zvangu ndazviona, Kumiramira, vaiwe muchekadzafa, Nemaziso kuti uri benyumundiro, Kaendwa haudzoki, musiyadzasukwa, Mavara kutaima aiwa eshato. Bva rwagara rudo ibofu, Poshi, piri, inga vave vashanu, Kamusarapamba ndakakuzvarira, Kubva vachatamba Continue Reading →
Pane angakwanisa kumisa zviroto, Zvemwanasikana afunga twake, Kuzvisunungura kubva munhamo, Yamugare ndare paruzevha, Paanodadirwa nevakaenda kare, Vanodzoka nemeso machena, Anotaima kana nemujiho, Vakarova mucheno vamandiriri, Zvino Maidei arota hupfumi, Mari Continue Reading →
Chimbambaira chiri mupoto Chiri mupoto (Chimbambaira chiri mupoto) Ndodya naniko? (Chimbambaira chiri mupoto) Chiri mupoto (Chimbambaira chiri mupoto) Simba huya (Chimbambaira chiri mupoto) Chiri mupoto (Chimbambaira chiri mupoto) Tindo svika Continue Reading →
Rakatanga naMunyebvu, Panopano yava Nyebvu, Tozoona iya, zvayave Nyobvu, Pakazoti gwaro rechishanu? Aah, yanga yangova Nyobvo!
Paye parainyenga raihwarara, Mavara aro achitaima sendarama, Kana iro sadza taiseva neuchi, Nyeredzi matsatse payaturuka, Ndikati ndiyeye wandakarotswa, Chido chemwoyo chandasarudza. Ragarisika, zvino radzika midzi, Ave madhunamutuna zuva nezuva, Rongozhambatata Continue Reading →
Mbudzi ichakarodya nyama! Ndagara ndazviona karekare, Amai vepano nhasi vanatwo, Maroverwe ari kuitwa mwana? Iko kanyama kasina godo, Kamupungurunje kandinodisisa, Nhodzero, mumhu nezviito, Nyeredzi pameso zvese nenjere! Paanoti nzve-e shamhu Continue Reading →