Tomato so
Tomato so so so-so-so-so Tomato so so so-so-so-so Eriza ge ah ge ah ge-ge-ge-ge Eriza ge ah ge ah ge-ge-ge-ge …
Vana Vevhu
Tomato so so so-so-so-so Tomato so so so-so-so-so Eriza ge ah ge ah ge-ge-ge-ge Eriza ge ah ge ah ge-ge-ge-ge …
Zvazvo zvingori kutsi kwehope, Ndasuwa kwedu pasichigare, Ndinouya pazororo rino! Tichafara vakoma navazukuru, Paye tichirondedzera chinyakare! Sekuru vagara havana muganhu, Kunyanyanyanya vachinge vakoriva, Muromo vavo haumharwi nenhunzi, Vovhotomoka kune wangu Continue Reading →
Chinobhururuka chinomhara! Segondo, pedyo naMukuvisi, Haarare, kutonanga kumabhazi, Wokwira rinoenda Kumakomoyo! Chitora befu pamusika wehuku, Uchitenga zvekusvika wakapakata, Zvinoremerera, masaki mairi, Semunhuwozve wabva kure? Rokoromoka kudzika chamhembe, Pamharadzano, wotora mabvazuva, Continue Reading →
Zvandakaita zvinorova! Zvagara zvichikuchemedza, Zvino zvaunorambira padivi, Chii chaunoona mudiwa? Ndinokuregerera nguva zhinji, Kana sirivha nendarama karibe, Zvinotaima zvekukupa handina, Wongoramba wakati neni nama! Haudi kunzwa parere mwoyo? Kunomhanyirwa nevezera Continue Reading →
Aikazve, gore rimwe zvaratopera, Chii zvino chawakaita chisvinu? Idzo hama neshamwari vakwazisa? Vamwe varombo, chavanacho bedzi imari! Makorokoto kuti wakabaya gore rino, Kana kamweya kacho kangori kenhamo, Chitora matanho zvichinje Continue Reading →
Hakuna shamwari pfumbamwe, Dzinotamba makore mapfumbamwe, Kupindana kwavo makore, Nekuchinja kwezvivavariro! Mafungiro ako egore riya, Kana achiri iwo nanhasi? Uri kutambisa nguva rako, Mutoo, chinja maitiro! Marwei ndiye mwana wemuno, Continue Reading →
Zvawaiti zvinorwadza? Ichokwadi here ndiudze? Buda pachena ma’mwana, Ndakaiona ini ngwarati, Namaziso angu aya, ndomene, Ichizvara rakacheka nyika, Ndakariwara, zvisina yambiro, Ndonzwa neruzha kuti pu-u, Pondoti tendeu, wanei yabara, Iyo Continue Reading →
Ruzhinji rwaiti anorwara, Vamwe vakati ibenzi, Zvikanzi navapfuuri anopenga, Pane vaiti kukotsira, Ngaarohwe gwati apepuke! Vemutsa vakati musadaro, Moyo murefu wekuregerera, Hongu, dzakatamba nepwere, Dzikapoya paya pakudzorerwa, Kwete, haisi mhaka Continue Reading →
Iwe rega kundijairira, Mutemo unomira pano, Ndikati nhasi udzingwe basa, Unoswera wogota mushana paruzevha. Umire kundidheerera, Ndiri foromanika ini, Undione kuhofisi mangwana, Handishandi usiku samahobho! Enda kunodyira povo uko, Kunofunya Continue Reading →
Iyo ngaisiye matambo, Munozvidenhera zvakazvigarira, Mukarumwa nechekuchera, Tiri vana vamambo isu! Patatsika toita setichanyura, Ishe ndishe, muranda muranda, Taramuka panotamba dera, Ane chake ane manyawi! Dundundu takamisa mberi! Kutsenga mvura Continue Reading →