Chamutambarare
Chamutambarare (Haiye) Chamutambarare (Haiye) Maringo-ringo ndiani (NdiaMujijiri) Banga ndazoriwana muchakunda Gonzo rine ndoro pamusana Chiya chidembo pamuchinjiri Chinyura iwe Nyamutsvinya mutsvinyura
Chamutambarare (Haiye) Chamutambarare (Haiye) Maringo-ringo ndiani (NdiaMujijiri) Banga ndazoriwana muchakunda Gonzo rine ndoro pamusana Chiya chidembo pamuchinjiri Chinyura iwe Nyamutsvinya mutsvinyura
Chinungu-chinungu (Kanda museve) Ndau-vaNdau (Kanda museve) Manyika-vaNyika (Kanda museve) Bocha-vaBocha (Kanda museve) …
Gumbekumbe-we kumbe (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani chihwa chihwa chihwa (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani nzou nzou nzou (Kamutambo kari pano-we kamutambo) Hekani…
Hona vanhu, hona vanhu-we! (Kamwe kakati – vaneiko, vaneiko-we?) Kamwe kakati – vane tsenza, vane tsenza-we! (Kamwe kakati – kumbira tipivevo?) Kamwe kakati…
Tsatsa ndikatsandika (Ndikatsa) Shinja ndikatsandika (Ndikatsa) Munyanyazi ndikatsandika (Ndikatsa) Odzi ndikatsandika (Ndikatsa) Save ndikatsandika (Ndikatsa) Zambezi ndikatsandika (Ndikatsa) Mukuwisi ndikatsandika (Ndikatsa) …
Hoyo waenda (Muchiona, muchiona) Tete waenda (Muchiona, makangotarisa muchiona) Hona waenda (Muchiona, muchiona) Chikangamazai chiye (Muchiona, makangotarisa muchiona) …
Vanhu ava vakasuruvara Vari pano vakagumbuka Ruzhinji runotamba nhova Nemisodzi pamatama Chiiko chikonzero? Ndotangira poi? Ndipeiwo zano, Ndoita madiro? Yakanaka Samanyanga, Pamusoroi Changamire,…