Uyo mutii
Dede zangara uyo mutii? Mupfuti tsvengurudze ndoisa paya Dede zangara uyo mutii? Mutondo tsvengurudze ndoisa paya Dede zangara uyo mutii? Musasa tsvengurudze ndoisa paya …
Vana Vevhu
Dede zangara uyo mutii? Mupfuti tsvengurudze ndoisa paya Dede zangara uyo mutii? Mutondo tsvengurudze ndoisa paya Dede zangara uyo mutii? Musasa tsvengurudze ndoisa paya …
Chishanu, 15 Kurume 2019, Yakanaya dzvotsvotsvo ine dutu, Tagarisika, kutambarara serunyemba, Manheru, vamwe votoridza nyono, Pakasvika gomo remvura Idai, Rikakukura nharaunda yedu yose, Hapana chakasara, vanhu nedzimba, Kukandwa nyasi kwerwizi Continue Reading →
Hatina kukuonai paifa vana musango? Taive vakuru-vakuru tichironga kuhofisi, Ko, pakaparara vamwe Putukezi? Taidzidza hutungamiri mhiri kwemakungwa, Ine huchi nemukaka zvino zvamauraya? Hatizivivo, bvunzai vakuru vaitonga, Maivepi vakuru pavaibvongonyodza? Simba Continue Reading →
Vasikana here, havabviri? Mugwaro rekutanga ondipfimba, Iyeni, imomo muna Gogogoi! Ndaipenya semheni nekutsvinda, Vezera rangu vachadonha madzihwa, Akati nditengere keza tiende tose, Gogi ndozotenga kana ndosevenza, Asi pakazoti gwaro rechishanu? Continue Reading →
Mumwe murume Wakaenda Sozibheri Kunotenga Bheri-bheri bhotomu Pakudzoka Wakatsikwa nemota Mota yacho Pio-pio pijoti
Ngatifare wangu mudikani! Uhu hupenyu idivakamwe, Sununguka zvino pachine nguva, Pasipanodya, kufa kwakauya! Vana vanoti unoshusha, Vamwene vakati unonyima, Dzako hama dzoti unonetsa, Vavakidzani voti unorema. Kwandiri uri svinga repwa, Continue Reading →
Ko-o, ndotangira papi? Ndakakuziva uchakadai! Kare nguva gochaimatehwe! Zvino ave makumi mashanu! Ungori ipo pano padivi, Rega ndimbodzora ndangariro, Kuenda iko kwazvakatangira. Ikoko kudanga remvura, Pawaikwira mumuMango, Wakarabwa vari munyasi, Continue Reading →
Ivo vaunoti ndeve pedyo, Wavainwa navo muchikura, Hama chaidzo dzemutupo, Dzamaiseva chaenga mose, Dzaikuda chose uchayaruka, Ndidzo pedze dzokupandukira, Kukubaya bakatwa kumusana, Kana uchinge wabudirira! Aikazve uchiri mupenyu? Zvirwere izvi, Continue Reading →
Pote pote Zakariende Pote pote Zakariende Ndinotsvaga wangu Zakariende Musuki wendiro Zakariende Anodzichenesa Zakariende Kuti chuchuchu Zakariende Semwedzi wagara Zakariende Uyo sara Uyo hande Haivaiva ndanga ndichirewa uyu Simuka hande Continue Reading →
Huya ndikuyambire mwanangu, Chirega kuti tasa pamberi pavakuru, Gara pasi, zvichati torei nguva, Handiti wagara wanga wadya? Nyika yaugere yakanaka kwazvo, Yaunoshora uchida dzevamwe, Pameso pako ndeyemanga-manga, Uchaishuwira mukore unotevera, Continue Reading →