Nyika Dzimu
Yedu nyika inotongwa neVadzimu, Pamwe neMhondoro dzinosvikirwa, Dzinotaura ndimi nevari kumhepo, Dzoturikira kunaMambo mutongigava, Nehofori dzemakurukota obatsirwa, Kutungamira ruzhinji pasina saruro. Masango otipa…
Yedu nyika inotongwa neVadzimu, Pamwe neMhondoro dzinosvikirwa, Dzinotaura ndimi nevari kumhepo, Dzoturikira kunaMambo mutongigava, Nehofori dzemakurukota obatsirwa, Kutungamira ruzhinji pasina saruro. Masango otipa…
Ndagarisa muno musango ndaneta, Kwemakore kuvhima pasina chimuko, Kubatwa huyanga semombe yemashanga, Iyo nhava maburi yaramba kuzara, Ngoroyemoto kushaya kana tsaru zvavo? Bata…
Maiwe-e! Itsima yahombarume here, Wasverorimbinyuka muzuva nebasa, Kubva tinoritema isu vanamadyirapanze, Nemusuwa weganyabvu rinopera chimbi, Ndisunungure chuma chiunu chiregedzeke, Undipe komichi yemvura yakati…
Ita mombe paruzevha tikurume nzeve, Ndarama yechivanhu kubva chinyakare, Kana pari papi zvapo parere moyo, Une dzinotsika zvose zvakati twasu, Zvinoda dzakasangana hadzi…
Ndiro Zhizha yonaya yemheni nemabhanan’ana, Ngava naSaManyika mungoonana ano Maenza, Mbudzi pazamu, Zvita mabiko neNdira mumunda, Patinoshanyura makura nekudyara minda yose, Pedze kutora…
Nyika ihombe kwazvo tinokwana tose, Mombe madhongi nehwai ifararira, Panhabvu tukomana injodzi munhandare, Tusikana tuchitamba dhere nemamhuza, Inongova njakenjake nharaunda yose, Kana anokendenga…
Svikai svikai kani, Titambire mwauya kwedu, Hekani matenga hekani, Tatsikwa ndihombarume, Tisingafungire chokwadi, Tibate, mwauya-a! Bereka gumbo chikomana, Paseri pechikomo kurumidza, Baba pavarikuturika…
Muka iwe watotesa pekurara, Geza kumeso ubvise mabori, Marirangwe mhou dzobova, Unowana dzamira nemhuru. Usunge madhonza ose ari mana, Pasi raoma yanaya kave…
Mwaita Sigauke, Chihwa chebonga, Mutupo watakagurirana, Mwati kaha ngekuone tsimba, Kuona mumhu todedera, Mwaita Ngonyama, Chiramba kudya uswa, Kuona zuva musi wainodya, Kuvhima…