Category Archives: Tsika
Hwahwa ndinohwuda zvangu

Bhachi ndarova zvese nemutsipanyoka, Nebhurugwa rine mupono onocheka nhunzi, Kunanga mberiyo kwandanzwa ngoma kurira, Ndati ndiite zvekubata jongwe muromo. Hwangu ukama nechingoto ndehweguyo nehuyo, Tichizvifadza nenhema munhandaro yemadzisahwira, VanaGararirimo, misi Continue Reading →
Ndoenda kwambuya
Zidzikana dzvuku randaona apo (Kurwerwa rute serinodyiwa nyama) Chembere dzekuno dzine manenji (Kubika doro rinenge mukaka) Zvanzi chakauya ndechakauya (Mwana wehama ambori nei) Hunzi yakarira ndiri pamhiri (Kune mvana tsvuku-tsvuku Continue Reading →
Nhemamusasa
Haiya woye woye vakuru woye (Nhemamusasa) Hanzvadzi yamai wako zvaisingarimi (Nhemamusasa) …
Zvarwadza imi
Iye wamunoti ndewe mapoto, Nyangwe zvake achichachura poto, Vane gondo voti chipuka, heto, Mukadzi haarambirwi kuroya, zviroto, Kutaura kuno totoronga muchato, Nhaka naye ndobvira kuganza, Kuti mha-a, wangu moyo wofanza, Continue Reading →
Aive magariro

Ndopika navakuru vakapera ne’nda! Taive takagarika gochaimatehwe, Tisati tavhiringwa navapambevhu, Nharaunda dzi-i, pamusoro pechikomo, Tichiona zvinouya zvichiri chinhambwe, Musha takavakidzira nerutsito! Ziya kuerera hunge washanda, Mucherechedzo kuti Samusha imhare, Muberere Continue Reading →
Chikende
Hona chikende (Sadza wadya here) Chikende (Nemusoro wembeva) Chikende (Sadza wadya here) Chikende (Nemusoro wembeva) …
Hwema handirase (michero yemusango)
Mutohwe wemunzira yekutsime, Ndiwo waive wadawatanha! Hausaikwanisa kuchengeta Dohwe ratsemuka, Rakasinina kudai ndere mudondo! Vamwe vakati Mashuku, Vamwe Mahobohobo, VaManyika tinoti Mazhanje, Anonaka kwete zvekutambaba hwii! Dhorofiya, Dhoro, Dorosiya, Makazo! Continue Reading →
Zvanzi ndiri muroyi

Kunyangara chete kwandakaita, Kunosekesa nembavha yakahwanda, Kubva zvakonzeresa nyakanyaka, Vaona maziso kutsvuka vakati kushaya hope, Ini ndakazvarwa ndakadaro. Iripo pasi pedara ngoro, Pakatadza mvura kunaya dzakafa mbongoro, Musazondishoropodzawo ndasvika ndiri Continue Reading →
Kambasha
Amai bhoyi mamuka sei (Kambasha, iye-iye ahe-e he-e, kambasha) Murume wacho kamire-mire (Kambasha, iye-iye ahe-e he-e, kambasha) Murume wacho akiya mucheno (Kambasha, iye-iye ahe-e he-e, kambasha) …