Mukoma pasina

Zvavo vakakomborerwa,
Newe angori makwikwi,
Kutadza kana kundisiira zamu?
Iwe kurudyi ini kuruboshwe,
Kuzotoyamurwa negavakava,
Potse ndaichatokusiira ndirini!

Panyimo ngoma ndiyo-ndiyo,
Unosiya chaenga chadeuka,
Nzimbe unodyira mukumwenya,
Panyama woseva kusvika zvanaka,
Kundiuraya nenhomba ndakamirira,
Mukoma nhongayi nyama!

Kana kujana kwatinodzifudzira,
Kuchinaya ndini ndinodzipinga,
Paita vamwe wotirwisanisa,
Moyo mbembe pandazvimba ziso,
Pashaya nyasha, dzingori hasha,
Apa ndaitotarisirawo kwauri?

Ramadunhurirwa wozviti Mwese!
Raburwa ndiwe pamberi kushevedzera,
“Amai, sadza ndera ani?”
Mhinduro yavanga wakamirira, “Mwese!”
Donzvo riri rekuda kudya wega!
Zvino wozvifondora ndakatarisa.

Ndonanga zvangu kumakwato,
Iko kwandinobatwa senherera,
Uripozve kundimhangarira,
Wonyemwerera kana ndorakashwa,
Zvino haunyari murume mukuru?
Uri mukoma pasina!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*