Mungodaro ngenyi

Mukore uno mupwere angoda kufunda,
Zvamunoziva tsaManyika udooma zvake,
Usina kuenda kwaTsambe hauzi kufundaba,
Bambo ndakarima maribowa, mupwere otadza ngei kufunda?
Tsambe kumbatoenda, kunyarara kuti mwi-i!
Ndikati tizira mupwere kuchakati ndo-o,
Manje zviro zvacho hazvina kumira zvakanakaba hwi-i,
Mupwere akambunyikidzwa ngebhinya!

Kutaura kuno arikukonzwa mumhatsomo,
Asurudaba kana kukosora chaiko,
Mhengeramumba yepaseri, yikati dzavira ngeno,
Kuda kundidheerera, kushata kutodza bambo!
Ndiri kunzwa kuda kuyinera yigodaidza mhaiyo,
Nemadhende ayo irekere zvainoita izvozvo,
Zvidooma, gore rino tingoonana maenza!
Zuro uno ndakamukira kumapurisa.

Ndipo ndakapfuura nepamainini pagomo,
Ndikati mungobvirofara ere mwetse pano?
Iye ngewadi ere mwamuna?
Ivo kudairira patsi, “Nyamashewe chirombowe.”
Zvingobvirodiiko, aka ngechegumba ere?
Zvino dzinza ravamai zvidobvirooma,
Mainini kubviro nyimawo nendimu ingowawa,
Huvhi mhaiyo vatarike ngeno vabhuye masoko.

Kusvika kwaSaChisuko tovarairwa,
Imwe kani, mutiro vahe mhamba!
Sabhuku adoyinera, kunzi tisu anhu acho,
Ndikati kwadi-kwadi shewe, mhamba ngeyenjera,
Huvhi mhamba ingonaka ngevamai padhuze,
Ini tsandizvoba ishi, mungodaro ngenyi?
Eko-eko tswe-e, vangogwa nemwamuna,
Nemusana unokonza, Sabhuku udonerwa.

Kudzoka ronyura, kuhamba teyimwa mhamba,
Kusvika mhaiyo vakati uyani tihe kangopisa,
Hazvirimboitaba, mupwere okambura muriwo,
Ndakazoita rekukatsa, kuperekedza nemunyu,
Sabhuku ndiye vhu-u, kubvirofamba hake neutsiku,
Ndikati mupwere tizira ukotse mhamba,
Iye kushanja, haari kupurutanaba hwi-i,
Peno, kubvirofunga madhumbe batsi!

One Reply to “Mungodaro ngenyi”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*