Ndouyeyo mai

Foromani ngaasadaroba, hazviitwi,
Kutsvake zviro zvekude kureketa,
Ngaatsvete kuita zvaanoita izvozvo,
Kunditukira mushando zienza rino!
Zvino kukaba jendye kuriyambutsa!
Handichadiba hangu, ndaremba kushupwa,
Kuseenza uchitinhwa sen’ombe,
Ngaandirekere ndipetuke kanyi,
Ndakande shereni yebhazi mumbudu,
Yasara imweni ndeyepaketi reshuga,
Kutsveruka, kuti ndione masvikire,
Zvaazvekuona kunorasikire tsvimbo nedohwe.

Ndikati ndidzikire bhazi mumasitoro,
Ndiko kunokumbana nharaunda yese,
Angori mazvakemazvake, izwawakazwa,
Zwira mundani tsvimbo yachaye mbeya,
Kuchingamidza hapana anodaira,
“Mwakadini, munotamba ere anhuwe-e?”
Ndikaedza kutekesa ngechimanjemanje,
”Hesi iwe, kanjani mani!”
Kana ani zvake anokendenga,
Nyamba tisu-tisu, kundosiyana mitupo basi.

Padoro vachireketa zviro zvavasingaziviba,
Iri wakaba-wakaba bhora rendumure,
Kwazi mira uzwe, usakasike kushora,
Wazozwa ere zvakaitika pamhiri zwana?
Zvikazi bhuya tizwe, uri kutinyizve.

Uku tukomana tunochayana nekukabana,
Uyu akati mundani, umwe chekumatsenganzungu,
Anyiswa pakuambana orumba, chitsoka ndibereke!
Pedze twotanga kutakana ngemapuwe,
Ndikati ndosiyana nazvo, ini ndinenyi?
Ndiri muparapadzo panyama yehuku,
Ndotsvage hangu gwanzi rekwaMupengazvese.

Kwakuteera amweni aibve kuchigayo,
Taifamba tichimira kuhwanda mvura,
N’ombe dzichiti gwedere-gwedere mubani,
Vane ndandi vachibaya madendere enhengure,
Vasina hwasho vachipunhunwa ngemapuwe,
Mberewere dzikati ngatiende zvakwanaya kudai,
Kufamba muchitamba muchongoyo,
Nyaya dzichitsva, usatauraba!
Vanoreya nekubvunzana makuhwa,
Umwe ozunguza musoro nekukwidza makadza,
Kwazi kuda kundinyepera anhu voye,
Ndisiyeyi, ndashaisheyi?

Kungodaidzira muromo wekuti “tisvikevo!”
Imbwa dzakanga dzatondiumburutsa,
Dzichandiziya ere, ndaamweni!
Pavakazoti komeni nekubeura musiwo,
Akanga ave madhaka basi kupinda mumhatso,
Zvingazwinyi, kutotekesana zvakadaro,
Kubvani ini ndinorima maningi,
Kusvikira huku yatosera mundiro,
Kwakutoshamba maoko kutimba musuwa,
Ngenzara, handina kuzvizwaba kuti mutikiti.

Ndakacherechedza mai kuridza tsamwa,
Kusara kugeza nyara ndaakutotukwa,
Kwazi wanga uripi makore ese aya?
Nikisi mhani, munhu ngaatekese amweni,
Kana munyariyo kuchingezi kwenyuyo,
Tindori pano, wakatiita siyawakuya,
Nanhasi uchingori nemukweso mwanangu?
Panobikwa mutakura panosara nyire shuwa,
Zvataitaura zviya kuitire chamangwana,
Zvizoshaya anoti handizi kuzvinzwaba,
Zvako iwewe kuganhira, hazviteedzerwi!
Inhando-nhando mutonono wepwere!
Haupurutani ngeyi Zvanyanya?
Nzeye dzako dzinoda kunon’onorwa!
Ndombozvida ere zvevanhu vanoonyererwa,
Hakusi kundidheerera ere kwaunoita?
Uri umwe ndakugura murenje!

Chirega ndikupandire mwanawe-e,
Dai bambo vako vari pano vakuswatanudza,
Nhasi wairara wambotonhorerwa,
Zvino takavaradzike kuMadzimambo?
Besa rakafamba dunhu rino rese,
Yaya kurwara kusvika kukotswa namwari?
Wakati fododo ikweyo sendisina kubara,
Ini ndine jaya rakagwinya,
Manje wozvipomera ropa rejongwe,
Uriwe unozvipa jambwa nekusateerera,
Kuzvibasira mwoto muziso,
Kwakanzi ndaa inopera ngekuripwa,
Une n’ombe ere iwe!
Zvamakandoseenza zvacho zviripi?
Uri chapungu, kungomenyera mukanwa,
Vamwe tichipona ngemanjoko pano!

Kubvani takabhuya masoko musiwo,
Kutanga ndichapangirwa pamhene,
Kusvika ndotukirwa mujee amunawe-e,
Kubvira ndichisvika tichidya sadza remasikati,
Tichinobonya magwere ekugocha manheruwo,
Kunokonyera mbudzi kudanga nehuku muchikwere,
Chikuni kudzima tikabasa chibani,
Kutokanganwa kuti ndakatiza basa zurori,
Amweni achiritsvaka ngemaziso matsvuku,
Inini hangu kusina mai hakuendwi!
Vangu ndichinavo ndapetuka kunoyamwa,
Kutenda kwakitsi kuri mumwoyo!

One Reply to “Ndouyeyo mai”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*