Musakurumidza matonga

Musatonga, tinobva kwakasiyana,
Kachana, kusingabviri kudzoka,
Kukurukura vamwe zvakatipotsa,
Kupona napaburi retsono chaiko!
Ndezvekutopembedza Nyadenga.

Takava navo vaitituka nekuranga,
Zvose baba namai, kukomborerwa,
Mwana mudiki agara chiranga-ranga!
Vamwe takavasiya nekushaya anodzora,
Misoro yavabereki vavo iri muzvikari!

Hatingati taivana zvinoshamisira,
Taifambavo netsoka zvaiita vamwe,
Seruzhinji, tichitomeravo mazhinya,
Shangu dzaive dzekuchikoro chete,
Naipo vatete vauya kuKisimusi.

Taisave vanoshaya zvekupedzisira,
Jonasi naMaidei vaigona zvamandiriri,
Neurombo, vakachisiya vasati vati nepi,
Yavo mbuva yaive yemunya nedombo,
Rekutema shiri, munzira, yeusawi!

Ko-o, gwenyambira namaridzangoma?
Naidzo pwere dzaitamba muchongoyo?
Pamakwikwi, vamwe vaimhanya semhepo,
Bhora richiita serakanamira mugumbo,
Zvikashaya mukurudziri anobhadhara!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*