Kutaura manyanya

Munhu wagara ndewenyama!
Vanongonditaura vanaChinyama,
Kuvavarira kuti ndiite munyama,
Pandinongoti nzve-e, vofinyama,
Manyama amira nerongo, zvaminyama!

Ndakatanga zvangu ndakanyarara,
Vachindibata huyanga semarara,
Nhaka nhamo iya yati farara!
Zvino rangowe ramhanya, barara,
Kubva ndichimuka kusvika pakurara.

Achaonekwa nani meso ane ndoro?
Soko zvarisisabvi parurimi rwaNyandoro,
Kwaanoswera akaruma mukombe wedoro,
Pandafamba vondisvooredza, hanzi gudo’ro,
Sendavanikidza mumunda wemudoro!

Sezita rasekuru vangu Zvanyanya,
Hamunyarivo here kani, manyanya!
Chipfuva chorwadzikana zvakanyanya,
Ndikati ndohwanda, kushaikwa kuti nya-nya,
Kumiromo isingamharwi nenhunzi kunyanya.

Chirega zvako uone zvandichavaita, mira!
Chandabata handiregi, ndinonzi Chinamira,
Rungwanangwana ndoita zvekufumira,
Kunanga kumaricho, ndoswera ndichivarimira,
Zviri pakareba ndichiita zvekudadamira!

Zvaiita sekure-kure kusvika ndati kure,
Manje zvabatana, ndiniwo ndoti hukure!
Pfimbi yandakacherera ndikaiti fukure,
Kwavari, nerangu gwaku ndawa kuti pakure!
Rugare rwodetembwa navanaChirikure.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*