Vakuru

Waita mahwekwe navakuru?
Kutochecheredza nzira nokokoko,
Haungazivi chawakatadza gorero,
Pamwe wakadyisa munda nembudzi,
Ukati pada zvavharana nenguva,
Nyamba mhosva yagara hairovi!

Chaunotanga chete kukwazisa,
Ndiwe mudiki, zvinoratidza rukudzo,
Vakakutangira kubva yatove mhosva,
Zvanzi vana vanhingi vakaremadzwa,
Havatekesi, munzira kungopfuudzana,
Wakonzeresa dzinza kupofomadzwa!

Kutanga nyaya navakuru hazvibviri,
Nesu havatauri, vanotitaurira zvekuita,
Muka, gara pasi, simuka, buda panze!
Pasvika vaenzi kunongedzwa sechituru,
Zvanzi vana vangu ava, setisina mazita,
Makateiva neziso rinoti sudurukai!

Vakomana kunokama kuchakati ndo-o!
Kudzisunga nekukofora kuchatonhorera,
Kudzikokorodza kumakura kwadzaswera,
Vasikana votsigisana matsvinga ehuni,
Kukungirana hata nekudengezera migomo,
Tuhowa twekunosevesa madeko muchanza!

Kubva mukati isu vana pane chatinogona?
Nguva nenguva vakuru vanongovavata,
Kutaura nendimi nemandimikira,
Zvanzi he-he, zvakazodai, zvikazodini?
Pedze pindu votanga kuimba zuva rese,
Chasara bedzi kumhanya bani!

Pava pakudya vomera manhenga,
Kutanga kugeza mvura ichakachena,
Kutimba musuwa neanenge magwaku,
Panyama ndivo vanotanga vanhonga,
Kutonyimwa dzako dzavachera mbeva,
Wosara woseva nemuto wavhundu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*