Yekuda kuroorwa iyi

Ndakariona zvangu ndichasvika,
Richindiongorora neziso raitaura,
Zitete risina kubvira rambovanikwa,
Ndichingofuratira, gotsi zvariri rutsito,
Rondinokora yekutanga tsoka muruwanze,
Bva zino irema, nyangwe neasina meno,
Kundisekerera nemawende sevanondida,
Zvanzi handei kurwizi tinoshamba,
Nyamba kugezeswa mahara seruboshwe,
Apa zvavo vaida kundiverenga mbabvu,
Kunditaura, kuri kupi zvako kwaendwa,
Kuhova kana kumunda, ndapera gotsi!
Zevezeve, rangu zita voritezesa huni,
Vachimirira ripinde munamai waro,
Vaone kundituma Putukezi netsoka,
Voita mufambanyore ndakavabereka,
Iye munhu ndeane chipo chekudya!
Pamusoro rusero ndakaita kudengezera,
Kuruzorodza, zvarwaneta kubhururuka,
Ko-o, iniwo zvandabvira kutimba matunhu?
Muviri povoti rukutu ndo’parinokukurudza,
Ndodzingwa kumunda sevandiitira nyasha,
Nyamba kuti ndinotsvaira chivanze,
Kusuka ndiro nekuenda kutsime,
Ndinizve ndichanokama nekubikira vabasa,
Matendero avo kubvunza kuti wanonokera papi?
Zvino vazoti tende pasi pemupfuti,
Vakakomba pfuko yandakakanya madeko,
Vavana mukana vekundipomera hunyope,
Zvanzi ndizvo vanoita kwakaenda danga!
Ini zii zvangu, regai ndikotse muromo,
Dzagara tsitsi dzemuroyi ihasha,
Akakuridzira tsamwa waregererwa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*