Nhamo imbiri

Ndipo pazvinoda, uri parumananzombe,
Kungosvika pazvafungira semudzimu,
Mahwekwe newandakaramba gorero,
Dhuma-dhuma, ongoerekana anyuka sehowa,
Kusvikira panhamo semwana wemusango!

Tsoka zvino neshena dzazoti mbe-e,
Mafuta emurivo andazora rungwanani,
Zvavirirana neguruva raNyamavhuvhu,
Ganda razoti tsva-a nezuva reChirimo,
Bedzi meso nedikita achena munyu!

Nyore-nyore amisa yake hambautare,
Ichiita kugadaira, yakati zi-i zvavo,
Paanoisudurudza kunze kwemugwagwa,
Rimwe vhiri rakaita mhopo pamusana,
Ndoita kudadamira kuti ndione mutyairi.

Ndizvo zvange zvichindipedza simba,
Dai ndakanda nhanho pasina zvese izvi,
Zvino ndonyarirepi vasikana?
NdiTendayi, ndamuziva nerake saka,
Raindishaisa hope mukorewo!

Paye mugwaro renhanhatu tichayaruka,
Aiwa nechipo, isu vamwe chaingowe chido,
KwaKatiyo, pasi kumuganhu nePutukezi,
Ndakamuramba paye pandakaziva Harare,
Ndaizivei kuti tichaita masanga kudai?

Kubva iye haakendengi, kana nyadzi!
Kuburuka ari chahwiriri, nyemwerero iri kunzeve,
Kushambadza saka riye, nanhasi rondinyungudusa,
Osvikondimbundira seachadonhedza rangu dengu,
Wake mucheka mucheno ndasvibisa nejiho!

“Ndafara wena, ko-o uri wadi hako?
Hini ndava kuzongonyangarika semhute?
Ndiko zvako kuno kwavakati kotyo!
Pinda mumota timbokurukura chinyakare,
Ndichikuperekedza kwaunoenda netsoka!”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*