Mutambo ndiwondiwo

Hapana akamboona nhamo seMukorekore,
Dunhu rino rese zvaro reGombakomba,
Ndazoitamba, kubvira ndiri mudokodoko,
Nanhasi yandisona zvino, kungoti nenineni,
Ndikati ndoita mhuri, gore mwana gore mwana!
Kubva kuzvinyepera, ave mangungundengu,
Musha wese yangove mheremhere,
Upenyu manje hwovava segavakava,
Muviri wangoperapera, zinyekenyeke!

Zvavo gore rino vakarima chibage nematikiti,
Tsambakodzi nehadyana toti gwederegwedere,
Kutsvaka kusvika tararira mbwirembwire,
Todzinga vana kunorara tichangoti garegare,
Kuvanyaradza tichiti kuchaedza manjemanje,
Potodzitsendeka mudumbu motorira karekare,
Dzichiramba kuuya kusvika kwati ngwerewere,
Murombo haaneti, ndikati rega ndifambefambe,
Ndopumhwa uroyi nemaziso akati piriviri!

Kubva gunguo rakapona nehwakumukwaku,
Rashaya gondo, pesepese ndiro rinokwarakwara,
Hapana inofura iwete runo rungwanangwana,
Mumamana matinofamba inzwawakanzwa!
Takawanda tinongoti gundurugunduru,
Yangove pamunhondo pamusasa, panopano,
Kushaya ganda meso, pamhene angove manomano,
Zvisina tsarukano, kubata chinonechino,
Zvanzi shiri yabvuta rekeni, makunakuna!

Madzimai kunosunza, ibatawabata,
Hakuna saruro, kana ati hero reserese,
Kukanda nekuvhika, ingori jekawacheka,
Kufumura zvinoera, tongoti chizvinozvino,
Mhandara dzoshanda manhede, kupindapinda!
Masikati machena ngoma ndiyondiyo,
Musazvitsvaka mudzimba munozochemachema,
Mafukura zvihombe, rino gapakapa,
Rinoswera rakudzipai gurokuro!

Pandakapfimbika kashereni ini kwarekware,
Ndonanga kuchigayo nembongoro nengoro,
Ndoita jekanyika zvakwaita kurekure,
Mudumbu muchisunga, kutofamba porepore,
Iro zuva, kufema ndezvekutoita nyorenyore,
Vamugayisi votoparidza tichangoti tangetange,
Zvanzi bhagidhi ranyanya kuti pamupamu,
Yavo vanoida yakakwana pasina chakatichikati,
Ndakati zii zvangu, mutero ini ketuketu.

Kumakura kwavaswera majaya riri dambetambe,
Rudziyakamwe kutanga chiri chihwandehwande,
Kwatizirwa, vamwe kuvira mudandemutande,
Pedze yaita munyama mhembwe yoitwa bayawabaya,
Mwanda rorereka, kumvura voita nhangemutange,
Kuredza nekukukuzva ino mikonzvi mitematema,
Kwainotambira nekuhwanda kumahombekombe,
Tsima yenjera madeko toita kanyamakanyama,
Kunorara usiku huno vanoita kunditekateka!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*