Zvinorovesa

Kugara harahwa dzakamira?
Zvino wamira vakuru vagara!
Wongoti tuzu pamberi pedare,
Kwaunobva hakuna vapangi?
Mutambo woda kutsvuka ropa,
Zvinorovesa!

Kwave kubongomora usina kurohwa,
Zvaunoita sewagarwa nemudzimu,
Mubvandiripo, woshoresa nyakutumbura,
Simuka paugere urege kutinyaudza,
Ubve wagara zvako wati zii!
Zvinorovesa!

Tsvatu waro! vakubungumura,
Manje chakutadzisa kuchema chii?
Zviri pachena kushaya rukudzo,
Vakazvarwa chembere dziri kundari?
Chiona zvino vokuvedzera,
Zvinorovesa!

Ndakabvira rinhi ndichikuyambira,
Garira kure kana pasvika vashanyi,
Chibuda panze utambe nevamwe,
Washaya zvekuita ruka chamboko,
Chikafu chevaenzi hachikumbirwi!
Zvinorovesa!

Idi kundinyadzisa pamberi pevanhu,
Kuchemera kuenda natete, unovaziva?
Wakadarozve zurori pakauya sekuru,
Kunyima nehutsinye, kubvireni!
Handisi kukuchengeta mushe pano?
Zvinorovesa!

Waane nguva usina kumborohwa!
Maitiro emunhui akadaro?
Waakuenderera, nhasi uchandiona,
Ndaisasika pazuva yeMusasa,
Yangu haiperi zvekudaro,
Zvinorovesa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*