Rova ngoma mutavara
Rova ngoma mutavara we-e (Yowe-e amai voye) Tonozvireva kuna aniko we-e (Yowe-e amai voye) Rova ngoma mutavara we-e (Yowe-e amai voye) Tonofira musango we-e (Yowe-e amai voye) … Tuku
Vana Vevhu
Rova ngoma mutavara we-e (Yowe-e amai voye) Tonozvireva kuna aniko we-e (Yowe-e amai voye) Rova ngoma mutavara we-e (Yowe-e amai voye) Tonofira musango we-e (Yowe-e amai voye) … Tuku
Varume, nhasi pano paita zinyaya, Rakaoma, dare rafukunura zvihombe! Mudunhu raSabhuku Mazvimbakupa, Mbudziyadhura akaita chisionekwi! Potoda kuisa misoro pamwe chete. Tisati tatanga kana kuvhura muromo, Iyi nyaya ichatora nguva kuivheya. Continue Reading →
Ndokungura vatakakotsa riya gore rendongwe, Vakasotsakatika, nyakutumbura VaNyamutekede, Pada vakarovera zamu pasi kuti ndife ndiri rombe! Ndiko kusisadzokereki, kwatakabva kwave kure. Kuyaruka kwacho zvaingove zvenhamo, zvenhando, Kurumwa nezvingotsve nezvikodza, imwe Continue Reading →
Hombi, hombiro, hombi chairo (Hona urombo) Vacharigaduri vakaita nharo ndakavakangambura nechigero (Hona urombo) Zvandavakangambura ndakaripa mombe nembudzi mbiri (Hona urombo) Mbudzi mbiri ndakabaya imwe, gumbo ndikavapa (Hona urombo) Gumbo ndavapa Continue Reading →
Zvataurwa naMagurete ndizvo! Kutanga, kupedzisa nekupendera, Muridzi vemurume ndimaiguru! Muridzi vemuchato, muridzi wemba, Vane vana vanozikanwa kusvondo, Nyangwe vakadini, kana kushereketa, Chero vakati handibiki, ndakaneta! Zvanzi amaiguru havarambwi! Chedu vamwe Continue Reading →
Chada mwoyo hachikoni, Kana kugara handichagoni, Chionaka zvandafunga wena, Iwe neni kubva tovadzana, Ini zvangu ndinokuda chose, Ndodada kune vamwe vose, Kubva nhasi kuenda mberi, Misi yose nekusingaperi, Pafunge, tarira Continue Reading →
Ndorima musana wandirwadza Pakudya ndomera manhenga! Ndorima musana wandirwadza Pakudya ndomera manhenga! Ndorima musana wandirwadza Pakudya ndomera manhenga! …
Ramadunhurirwa ndiMafirakureva, Sekuti ndinodzora nevasingadi, Chengetedzai imbwa yenyu! Idyire muruwanze mayakasungirwa, Musiye kundituma kubata panoera. Vamunopembedza pamisangano, Vanofamba vachiti makafa kare! Vachiganza nezvinhu zvavasina, Kurondedzera kwavasina kuswera, Kusvika hanzvadzi dzedu Continue Reading →
Hapana akamboona nhamo seMukorekore, Dunhu rino rese zvaro reGombakomba, Ndazoitamba, kubvira ndiri mudokodoko, Nanhasi yandisona zvino, kungoti nenineni, Ndikati ndoita mhuri, gore mwana gore mwana! Kubva kuzvinyepera, ave mangungundengu, Musha Continue Reading →
Veukama nhasi vandiparira, Mwoyo yavo yakaoma, zviri nani ndiende kure, ndinogara kure nehama, Veukama vakaoma, Mwoyo yavo yakaoma, zviri nani ndiende kure, ndinogara kure nehama, Hona vandigara dare, Mwoyo yavo Continue Reading →